Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaChamisa, Vanove paKuvigwa kwaVaMboneni Ncube kuVungu


Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa (Courtesy Image)
Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa (Courtesy Image)

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanga vari pakuvigwa kwenhengo yebato ravo, VaMboneni Ncube, mumusha wekwa Sibomvo, kuVungu mudunhu re Midlands.

Vachitaura parufu urwu, VaChamisa vanhu vanofanirwa kuziva kuti zvematongerwo enyika mutambo, asi mutambo uyu haufanirwe kutora hupenyu hwevanhu. Vatiwo zvakafirwa naVaMboneni Ncube zvekuti dai munyika manaka, zvichaitika chete, munyika muchanaka chete.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti VaChamisa vatsanangudza VaNcube sechizvarwa cheZimbabwe chakakosha chairwira shanduko munyika.

VaNcube vakaurayiwa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF dzakakanganisa musangano webato reCCC wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa mwedzi uno, apo VaChamisa vakanga vave kutaura.

Vamwe vanhu vakakuwadzawo muchiitiko ichi. Vanhu vashanu vakatomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuuraya VaNcube.

Hurukuro naDoctor Nkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG