Accessibility links

Breaking News

Makerere Oshora Bhiri reKuvandudza Mutemo weMashandiro eMasangano Akazvimirira Oga


Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi

Vamwe vemakereke vanoti bhiri rinoona nezvekunyoreswa nemashandiro
emasangano akazvimiririra oga kana kuti Private Voluntary Organisation
Amendment Bill richaderedza rubatsiro rwavanopa kune vanotambura.

Sachigaro wemubatanidzwa wemakereke mudunhu reMashonaland West
reZimbabwe Heads of Christian Denominations-ZHCD-Pastor Tafadzwa
Mafukidze vanga vari pamusangano wemusi weChina vakati bhiri iri rikave
mutemo richakanganisa basa ravanga vachiita rekubatsira
vanhu munyaya dzezvekudya, dzidzo nezvehutano.

Vachipa pfungwa dzekereke kukomiti yeparamende inoona nezvemabasa
nekugara zvakanaka kwwevanhu VaMafukidze vakati bhiri iri richaitawo kuti kushanda kwemasangano anoshanda akazvimiririra kuome kudarika zviripo parizvino.

Mumwe mudzimai apinda mumusangano wanhasi Muzvare Patricia Chibaya
vakati hurumende inofanirwa kuregedza vemasangano akazvimirira
vachiita basa ravo vakasununguka.

Muzvare Chibaya avo vari kukwikwidza kuita kanzura muChinhoyi
musarudzo dzema by-elections kupera kwemwedzi uno vakamirira bato
reCitizens Coalition for Change vanoti vemasangano akazvimiririra
vakabatsira madzimai akawanda kuti vasatye kukwikwidza.

Asi mumwe wechidiki wekuMakonde, VaGodknows Muzhandamhuri vanoti bhiri iri rakanaka rakadaro vachiti vemasangano akazvimiririra vanokurudzira
vanhu kuti vapandukire hurumendep.

Vanhu vakawanda vati panyaya yekufambiswa kwemari ingangoshandiswa
munyaya dzezvehutototo pane mitemo yakawanda inodzivirira izvi
yakafanana neweMoney Laundering Act.

Vanhu vakaratidza kusafara nemasimba akawanda ari kupihwa kugurukota
rehurumende pabhiri iri, simba ravati rinogona kushandiswa zvisiri
izvo sezviri kuitika.

Gurukota rezvemitemo Vaziyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti hurumende ichatanga yanzwa pfungwa dzevanhu isati yavandudza mutemo.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG