Accessibility links

Breaking News

Gweta Rakadzingwa Basa VaSengweni veMDC-T YavaMwonzora Voyedza Kumisa maBy-Elections


VaDouglas Mwonzora

Vaimbova gweta vakadzingwa mushure mekusafambisa mari dzevanhu zvakanaka kana kuti maTrust funds VaTepera Sengweni vanova nhengo yeMDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vaenda kudare repamusoro-soro munyika reConstitutional Court nechikumbiro chekuti kutarwa kwakaitwa zuva resadzo dzema by-elections nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kunzi hakusi pamutemo sarudzo idzi dzigoregedzwa kuitwa.

VaSengweni vakanzi havachisiri gweta muna 2014 mushure mekubatwa nemhosva yekuba mari dzevanhu. Muna 2016 vakatomboyedza kuendesa kumatare vatongi vedare reHigh Court neSupreme Clourt vachiti vainge vava kanzurira chitupa chehugwetw zvisiri pamutemo asi hapana chakabuda. Vavakaendesa kumatare vatongi vanoti Justice Chinembiri Bhunu na Justice Felistas Chatukuta.

VaSengweni, avo vasvitsa chikumbiro ichi kudare reConstitutional Court vakazvimirira, vati VaMnangagwa vakatara zuva resarudzo dzema by-elections vasingatevedzere nguva yakatarwa nebumbiro remitemo yenyika.

Mumapepa avasvitsa kudare, VaSengweni vanoti VaMnangagwa vakatyora bumbiro remitemo iro rinoti vaifanira kutara zuva resarudzo idzi mukati memazuva makumi mapfumbamwe kubva musi unoziviswa kuti zvigaro zvinenge zvisisina vanhu.

Nokudaro, VaSengweni vakumbira dare kuti rimise sarudzo dzema by-elections munzvimbo makumi mana nesere dziri kutsvagwa nhengo dzeparamende sarudzo idzi dzozongoitwa kamwechete pachaitwa sarudzo dzegore rinouya.

VaSengweni vatiwo hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka zvekuti pangaitwe sarudzo izvozvi panguva iyo hurumende iri kutadza kubhadhara vashandi vayo. Vatiwo kuita sarudzo dzema by-elections hakuna chakunochinja mudare reparamende sezvo Zanu PF ine nhengo dzakawanda mudare iri.

Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vati vanoziva kuti ndiVaMwonzora vakaronga kushandisa vaSengweni kumisa sarudzo idzi vachiti vari kutya kukundwa musarudzo dzema by-elections idzi. Muzvare Mahere vati vatungamiri vanofanira kusarudzwa neveruzhinji kwete nematare.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vati sebato vacharamba vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-elections idzi vakamirira zvichabuda kudare panyaya iyi.

Mibvunzo yatatumira mutauriri weMDCT yaVaMwonzora, VaWitness Dube, pamwe nasachigaro webato ravo VaMorgan Komichi yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo uye vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

VaMnangagwa pachavo vakaudza vatsigiri vebato ravi pamusangano wavakaita kuEpworth mwedzi wapera kuti sarudzo dzema by-elections dzakatadza kuitwa nenguva nekupararira kwakanga kuchiita chirwere cheCovid 19 panguva yaifanira kuitwa sarudzo idzi.

Nzvimbo zhinji dzakasara dzisisina vamiriri muparamende pamwe nemumakanzuru akawanda zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nhengo idzi muparamende nemumakanzuru neMDCT yaVaMwonzora zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court uno wakati VaNelson Chamisa vakanga vasina kusarudzwa zviri pachena kuti vatsive mushakabvu VaMorgan Tsvangirai semutungamiri webato reMDCT.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG