Accessibility links

Breaking News

Citizens Coalition neZanu PF Dzonakurirana Nyoka Mhenyu paNyaya yeMhirizhonga


Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi nevakawanda inogona kukanganisa gadziriro yesarudzo dzema by-election dzichaitwa muna Kurume.
Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi nevakawanda inogona kukanganisa gadziriro yesarudzo dzema by-election dzichaitwa muna Kurume.

Mapato eCitizens’ Coalition for Change neZanu PF ari kunakurirana nyoka mhenyu pamusoro pemhirizhonga yezvematongerwo enyika, iyo inonzi neveruzhinji yasvibisa gadziriro dzesarudzo dzema by-elections dziri kutarisirwa kuitwa musi wa 26 Kurume mune mamwe matunhu emunyika.

Izvi zvinotevera kuvhiringidzwa kwemisangano yemutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, yekutsvagira nhengo dzavo rutsigiro pamberi pesarudzo idzi nevanofungidzirwa kuti ndeveZanu PF, izvo zvakazosvitsawo pakuti munhu mumwechete aurayiwe vamwe vakawanda vachikuwadzwa kumusangano wakadai kuKwekwe mukupera kwesvondo.

Mapurisa akasunga vanhu gumi nevatanhatu vanofungidzirwa kuti vane chekuita nemhirizhonga iyi, uye vashanu vavo vakatomiswa pamberi pedare, vamwe vakazoregwa nekuda kwekushaya humbowo hunovarovera nenyaya.

Mwedzi wapera Zanu PF yaipomerawo CCC mhosva yekurwisa nhengo dzayo kuBulawayo.

Asi Zanu PF inoti iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya, ichipomera bato rinopikisa iri mhosva yekuita zvaro zvendyaringo kana bhaisikopo kuti pasi rose rione bato riri kutonga sebato remhirizhonga nemhondi.

Munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu muCCC, uye vari meya veHarare vakambomiswa basa, VaJacob Mafume, vanoti zviri pachena kuti vanhu vakakonzera mhirizhonga kuKwekwe vaive nhengo dzeZanu PF uye vanhu vanoshanda mumigodhi yevakuru vakuru veZanu PF, avo vavanoti vanetsa nekushunguradza vanhu muMidlands.

Asi nhengo yeZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu vanoti bato ravo kuburikidza nemutungamiri wavo, VaEmmerson Mnangagwa vagara vachiparidza shoko rerunyararo, vachipomera mhosva mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, avo vavanoti vakakurudzira mhirizhonga kumusangano wavakaita kuHighfields masvondo maviri adarika.

Hurukuro naVaJacob Mafume pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG