Accessibility links

Breaking News

Bato reCitizens' Coalition for Change Robatsira kuBuritsa Zvizvarwa zveZimbabwe Kubva muUkraine


Zimbabwe Students From Ukraine At Poland Border Post
Zimbabwe Students From Ukraine At Poland Border Post

Mumiriri webato rinopikisa reCitizen’s Coalition for Change ku Europe, Advocate Wilson Mtetwa, vanoti bato ravo riri kubatsirawo kuburitsa vana veZimbabwe vari muUkraine vakatarisana nedambudziko rehondo yakakonzerwa nekupinda kweRussia nechisimba munyika iyi.

Advocate Mtetwa, avo vanove sachigaro webato reCCC Europe Assembly, vanoti vari kubatsira kuburikidza nekuwanisa vana vechikoro ava zvekufambisa kubva munzvimbo dzavagere kuenda kumuganhu wenyika iyi nePoland uko vari kuzobatsirwa nevamiriri vehurumende kuti vaendeswe kunzvimbo dzine runyararo.

Vanotiwo pari zvino pane vana vanosvika gumi nevasere vakavharirwa mumupanda wepasi, kana kuti basement mune chimwe chivakwa muguta reSumy, avo vavanoti vari kutaura navo vachivashingisa vakamirira kubatsirwa.

Hurumende yakazivisa nemusi weChipiri kuti yakanga yakwanisa kuburitsa vana zana negumi nevasere kubva muUkraine ichivaendesa kunzvimbo dzine runyararo uye vamirira kuwaniswa matikiti endege ekuti vaende kumusha.

Hondo yemuUkraine yakanganisa zvizvarwa zvenyika iyi pamwe nezve kune dzimwe nyika kusanganisirawo Zimbabwe, iyo inonzi ine zvizvarwa zvingangodarika mazana mashanu.

Hurukuro naAdvocate Mtetwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG