Accessibility links

Breaking News

MaRepublicans Oshora Mashoko Aturwa naVaBiden kuNyika


Gavhuna weIowa, Amai Kim Reynolds
Gavhuna weIowa, Amai Kim Reynolds

Gavhuna Kim Reynolds vekudunhu reIowa vakasarudzwa nebato rinopikisa remaRepublicans kupa divi ravo vati mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden pamashoko avo kunyika pamamiriro akaita zvinhu kna kuti State of the Union vanoti vakundikana kugadzirisa hupfumi hwenyika sezvo zvinhu zviri kudhura.

Vatiwo zviri kuitwa neRussia kuUkraine munongedzo wekuti VaBiden vari kutadza kutungamira zvopa kuti Russia iite madiro aJojina. Asi vati vanomira nezvizvarwa zveUkraine zviri kurwisa mauto ekuRussia.

Amai Reynolds vatiwo havasi kufara nemadzidzisirwo ari kuitwa vana nhoroondo yenyika muzvikoro vachiti zvimwe zvinounza kuvengana.

Mumashoko avo, VaBiden vataura nezve nyaya dzezvehupfumi kuchengetedzwa kwerunyararo munyika mavo uye hutano vachiti vari kubudirira kurwisa chirwere cheCovid-19.

VaBiden vatiwo hurumende yavo ichatemera Russia zvirango zvakaomarara nekutanga kwayakaita hondo yekupamba Ukraine.

Hurukuro naVaMoses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG