Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vodzinga Meya weChitungwiza Vachiti Anotsigira VaChamisa


Douglas Mwonzora and Ncube

Chimwe chikwata chebato reMDC T chinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora chadzinga basa meya weguta reChitungwiza VaLovemore Maiko.

Mutsamba iri mumaoko eStudio 7 yanyorerwa vakafanobata chigaro chamabharani mukuru weguta reChitungwiza kana kuti town clerk, Amai Evangelista Machona, negurukota rezvematunhu VaJuly Moyo, bato reMDC-T rakazivisa gurukota iri musi wa 1 Kurume kuti VaMaiko vainge vadzingwa mubato.

VaMoyo vakati VaMaiko vainge vasisiri kanzura weward 7 kutanga nemusi wa2 Kurume.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro webato reMDC-T vaMorgen Komichi avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mutauriri webato iri VaWitness Dube havanawo kupindura mubviunzo watavatumira.

Asi VaMaiko vaudza Studio 7 kuti vatambidzwa tsamba iyi vakati vachaenderera mberi vachitsigira mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa.

Hurukuro naVaLovemore Maiko
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG