Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume, 03, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare repamusoro soro reConstitutional Court ratanga kunzwa nezvenyaya dzakakwidzwa kumatare dzine chekuita nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kana kuti Constitutional Amendment number 2.

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T Dr Thokozani Khupe vakurudzira mapato anopikisa kuti abatane vachiti kusabatana kwavo ndiko kuri kupa kuti Zanu-PF ienderere mberi nekutadza kutungamira nyika.

Meya weguta reChitungwiza VaLovemore Maiko vodzingwa basa naVaDouglas Mwonzora vechimwe chikwata cheMDC-T.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden voparura hurongwa hwemamiriro akaita zvinhu munyika mavo asi vachitiwo Russia ichatemerwa zvirango zvakaomarara nekutanga hondo kuUkraine.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe makumi mana zvange zvichigara kuBritain zvisina magwaro akakwana zvadzoserwa kumusha nhasi kunyangwe zvimwe zvange zvichigunun’una mmushure mekugara munyika iyi kwenguva yakareba.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika na8pm tiri kutarisa nyaya yekudzingwa kwezvizvarwa zveZimbabwe kuBritain uye zviri kuitika kuUkraine.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitika kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tirikutarisa nezvehurongwa hweBritain hwekuda kudzosa kumusha nhasi zvizvarwa zvinodarika zana zvanga zviri munyika iyi zvinonzi hazvina magwaro pamwe nekupara dzmhosva

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG