Accessibility links

Breaking News

Vari Kupomerwa Mhosva yeKuponda Nhengo yeCCC Vomiswa Pamberi peDare


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weCCC VaNelson Chamisa

Vanhu vashanu vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuponda mutsigiri weCitizens Coalition for Change VaMboneni Ncube kuKwekwe vamiswa pamberi pedare nhasi.

Vari kukwikwidza musarudzo dzedare reparamende dzemaby-elections vakamirira bato reCCC VaSettlement Chikwinya vanoti vamwe vanhu gumi vainge vasungwa vaburitswa mutirongo vakaburitswa pasina mhosva yavainge vapomerwa. Asi vashanu ava vanzi vadzoke kudare musi 15 Kurume.

VaChikwinya vashora zvikuru bato riri kutonga reZanu-PF vachiti rinoita zvemhirizhonga.

Hurukuro naVaSettlement Chikwinya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati bato ravo haridi zvemhirizhonga.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rashora zvikuru kupondwa kwenhengo yeCCC uku rikakurudzira kuti sangano rakazvimirira roga riferefete nyika iyi.

Mizinda yeAmerica, Britain neSweden iri kushorawo zvakanyanya mhirizhonga iyi. Izvi zvinotevera mashoko ekushora mhirizhonga akabva kumasangano emunyika akaita seZESN, Zimbabwe Peace Project, Zimrights nemamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG