Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti hazvisi pamutemo kuti kanzuru itange nekutumira masamanisi kuvagari vane zvikwereti isati yagara navo pasi kuti vatsvage nzira dzekubhadhara zvikwereti zvavo.
Izvi zvinotevera danho rakaziviswa nekanzuru yeHarare rekuti yave kutevera zvikwereti zvayo zviri muvagari kuburikidza nemasamanisi.
Kanzuru inoti vagari vemuHarare vane zvikwereti zvinosvika mabhiriyoni gumi nemanomwe emadhora emunyika, ana kuti (ZWL$17 billion) yemitero isiri kubhadharwa.
Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti zvinozivikanwa kuti kanzuru haisi kukwanisa kutumira magwaro emitero kuvagari, izvo zvinoita kuti panetse kuziva kuti mugari ane chikwereti chakakura zvakadii.
Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti vatora danho iri maringe nekuona kuti zvikwereti zviri kukurisa vanhu vasingabhadhare.
Vanoti kanzuru inoda kuti mabasa ayo ainotarisirwa kuita arambe achienderera mberi, akaita sekutakurwa kwemarara, kupa vanhu mvura, kugadzira migwagwa, kuisa magetsi, kugadzira zvipatara uye kuti zvikoro zvirambe zvichishanda,
VaChideme vanoti nekuda kwaizvozvo, vakaona zvakaringana kuti vanhu vapiwe masamanisi kuti vange vachibhadhara mari dzinodiwa kukanzuru.
Facebook Forum