Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi, veMabhizimusi neVashandi Voshushikana neKukwira kweMitengo yeZvinhu


Mitengo yezvekudya zvakawanda zinosanganisira upfu, mafuta, chingwa neshuga inonzi yakwira zvakanyanya munyika.

Nyanzvi dzehupfumi pamwe nevamiriri vevashandi vanoti kunze kwekunge dambudziko rekuwaniswa kwevemabhizimusi mari yekunze ragadziriswa nekukasika, mitengo yezvinhu icharamba ichiita chamurambamhuru panguva iyo mihoro yevashandi isina kwairi kuenda.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re labour and Ecconomic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti dambudziko rekukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa zva nezuva riri kunyanya kukonzereswa nekusagadzikana zvakanaka kwemisika yemari yekunze, zvikuru misika mitema.

Izvi zvinotsigirwa nemutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, avo vanoti vari mushishi kuedza kuti vagadzirise dambudziko rekukwira kwemitengo zvakonzerwa nekusagadzikana kwemisika yemari, zvikuru misika mitema pamwe ne inflation.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti nekuda kwekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu munyika, vashandi vaiswa panguva yakaoma zvikuru sezvo mihoro yavo iri kuramba yakamira panzvimbo imwe chete.

Muzvinabhizimusi vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanotiwo kukwira kwemitengo kuri kuitika muzvitoro inyaya iri kudzimba veruzhinji, uye inyaya iri kukanganisa hupfumi hwenyika. VaMuponda vanoti zvinonetsa kunziwisisa kuti sei mitengo iri kuramba ichikwira izvo zvinhu zviri kutengeswa zvizhinji zviri zvinhu zvinogadzirwa pamwe nekurimwa munyika.

VaMoyo vanoti vanoti dambudziko guru riri kune vakuru venyika vanodzika mitemo munyika, avo vavanoti hupfumi hwenyika huri kutisomuka, vasiri kuona chaizvo zviri kuitika muvanhu.

Doctor Chitambara vanoti dambudziko rekukwira kwemitengo yezvinhu rinogadzirisika chete kana zviri kukonzera kuti zvinhu zvikwire zvagadziriswa.

Zvinhu zvinonzi zvakakwidzwa mitengo zvinosanganisira chingwa, flour, upfu, mafuta ekubikisa, nesipo.

Semuenzaniso, marita maviri emafuta ekubikisa anonzi akakwira mutengo kubva madhora emunyika mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemapfumbabwe kana kuti $799,99, kuenda pamadhora mazana masere nemakumi mana nemapfumbabwe $849,99.

Tsapo yeupfu inorema makirogiramu gumi yakakwirawo kubva pamadhora mazana manomwe nemakumi maviri nemapfumbabwe kana kuti $729,99, kuenda pamadhora mazana masere nemakumi manomwe nemapfumbabwe, kana kuti $879,99.

Svondo rapera bhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, rakazivisa kuti rakanga rakwanisa kuwanisa vose vakahwinha mari pamusika wemari kunze mari dzavo. Chasara ndechekuona kuti danho iri ringakwanisa here kudzikamisa mitengo yezvinhu sezvo pari zvino vezvitoro vari kunzi vari kuwana mari yekunze pamisika mitema.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG