Nyanzvi dzehupfumi dzozeya nyaya yekuramba mitengo yezvinhu iri kuita chamurambamhuru panguva iyo mihoro yevashandi isina kwairi kuenda.
Hurumende inoti yatumira nhume yayo kuPoland kunobatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvakapoterako zvichitiza hondo yemuUkraine. Zvimwe zvizvarwa zviri muPoland neRomania zviri kuchema chema kuti rubatsiro rwuri kunonoka kusvika kuti zvidzokere kuZimbabwe.
Muchirongwa cheThe Connection na 8 pm chatinotaura nevechidiki, nhasi tiri kutarisa zvesarudzo dzemaby-elections ari kuitwa musi wa 26 Kurume tichitaura nevechidiki vari kukwikwidza uye vari kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum