Accessibility links

Breaking News

Vanofungidzirwa Kuti Vatsigiri veZanu-PF Vokanganisa Paramende Kuita Basa


Nhengo dzesangano rinotsigira Zanu PF re Zimbabwe Citizens Forum
Nhengo dzesangano rinotsigira Zanu PF re Zimbabwe Citizens Forum

Musangano wekutanga weparamende wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rekuvandudza mutemo wemasangano anoshanda akazvimirira, rePrivate Voluntary Organisation Amendment Bill unovhiringidzwa kuHighfields muHarare nenhengo dzesangano rakarekera kuZanu PF reZimbabwe Citizens Forum.

Musangano uyu wamiswa mushure mekunge nhengo dzesangano iri dzaramba kuti vamwe vanhu vapihwe mukana wekutaura dzichida kuti idzo chete dzirambe chipihwa mukana wekutaura.

Musangano watanga zvakanaka vanhu kubva kumasangano nezvimbo dzakasiyanasiyana vachipa pfungwa dzavo. Asi dambudziko ratanga apo dzimwe nhengo dzeZimbabwe Citizens Forum idzo dzange dzambotaaura dzada kutaura zvakare vamwe vasati vataura izvo zvarambwa nhemhomho yapinda mumumusangano uyu.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu nevashandi, Amai Emma Ncube, vamisa musangano uyu vachiti vange vasingatarisire kuti zvakadai zvingaiitike.

Vatiwo zvakakosha kuti veruzhinji varemekedzane pamisangano yeparamende.

Vanhu vauuya nehuwandu hwavo kuzopa pfungwa dzavo pamusoro pemutemo uyu urikuda kupaswa nehurumende.

Pane muonero wakasiyana pakati pebhiriri vamwe vachiti rakanaka chose asi vamwe vachiti hurumende inofanira kusiyana nemasangano anoshanda akazvimirira vachiti masangano aya ari kuita basa guru nekubatsira hurumende apo painotadza.

Guru kura rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti chimwe chinangwa chebhiri iri ndechekuona kuti masangano anoshanda akazvimirira atevedzera zviga zveFinanctional Action Tastk Force (FATF) zvekudzivirira kuti asashandiswe kufambisa mari nevanopfurikidza mweroo pamwe nekuti asaita zvematongerwo enyika.

Asi vachipa pfungwa dzabo pamusangano wanhasi, sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vati bhiri iri haritombofaniri kuvepo sezvo nyika ine mitemo yakawanda yekudzvirira izvi.

Vati mabhanga chaiwo kusanganisira Financial Intelligence Unit ye Reserve Bank of Zimbabwe vane simba rekuongorora nekusunga avo vanenge vachifambisa mari zvisina mwero kana kuita zvechigandanga.

VaKudakwashe Machiya vati bhiri iri rikapasa sezvariri richadzvinyirira nekuomeseraa vaye vari kubatsirwa nemasangano anoshanda akazvimirira.

Aami Itai Gawa vanogara muHighfieds vanoti bhiri iri rinofanira kurashwa vachiti hurumende haifaniri kutombopindra pakushanda kwemasangano anoshanda akazvimirira.

Vati zvinosuwisa kuti hurumende inoda kuongorora mashandiro kana mari dzemasangano anoshanda akazvimirira asi iyo ichitadza kutsanangura kuneveruzhibhu kuti iri kusahndisa mari sei.

Asi vamwe vakaita saVaAli Moyo vati vanotsigira kuti paramende ipasise bhiri iri sezvariri vachiti hapana chakaipa kuti hurumende izive kuti mari dziri kuushandiswa nemasagano anoshanda akazvimirira inobvepi vachipi mari zhinji yemasangano aya inobva kunze.

Vamwewo vakaita saVaRobert Masuka, avo vari kutsigiri bhiri iri vati vose vari kuripikisa ndevaya vanoita mabasa akasarurama.

Bhiri iri iro ririkuopikiswa nemasangano anoshanda akazvimirira munyinka rinopawo simba kugurukota rinoona nezvekugara zvakakanaka kwevanhu rekutora rezenisi kana kubvisa nhengo dzemabhodhi emasangano anenge achityora zvinodiwa nemutemo uyu kana watambirwa.

Masangano anoshanda akazvimirira anenge orambidzaa kutsigira masangano ezvematongerwo enyika.

VaAlex Gakanje vesangano reZimbabwe Citizens Forum vati vanotsigira bhiri iri vachiti pane masangano akawanda munyika ari kuita zvisingafambirane nemarezenisi avakapihwa uye vati masangano aya akawandira kuvashandi nemasangano evarairidzi.

VaGakanje vashorawo masangano akaita seCrisis in Zimbabwe Coalition neZimbabwe Lawyers for Human Rights vachiti ndiwo mamwe ari kushandiswa nenyika dzekunze.

Asi sachigawo weCrisis in Zimbabwe Coaliton , VaPeter Mutasa vapikisa izvi vachiti vanomirira zvido zvevana veZimbabwe.

Komiti yeparamende iyi iri kufamba nenyika yese ichinzwa pfungwa dzevanhu uye ichanyora gwaro raichatura kuparamende nekupa gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu mukana wekupindura, zvabva kuruzhinji, bhiri iri rasati raendao pachidanho chinotevera kuti riitwe mutemo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG