Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi, 28, 2022


Shona Headlines

Masangano akazvimirira obama oshora mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi iri kukonzerwa nevebato reZanu-PF yakakonzera rufu rwemumwe mutsigiri weCitizens Coalition for Change kuKwekwe nezuro.

Musangano wekutanga weparamende wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rekuvandudza mutemo wemasangano anoshanda akazvimirira, rePrivate Voluntary Organisations Amendment Bill unovhiringidzwa kuHighfield muHarare nenhengo dzesangano rinonzi rakarekera kuZanu PF reZimbabwe Citizens Forum.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti kunyangwe hupenyu hwevana vechikoro vari kubatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira, hapana mwana ati afa nechirwere ichi kusvika parizvino.

Zimbabwe Electoral Commission inoti vanhu vashoma vakanyoresa kuvhota kuMashonand West.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika zvichitevera kufa kwemutsigiri weCCC mushure mekurwiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF kuKwekwe uye mamiriro akaita zvinhu kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG