Accessibility links

Breaking News

ZEC Inotara Mazuva eSarudzo dzemaBy-Election dzeMakanzuru eMutare neRusape


Vaimbove weguta reMutare, VaBlessing Tandi.

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commision (ZEC) yakazivisa neChishanu kuti sarudzo dzekutsiva makunzura akadzingwa basa kwaMutare neRusape dzema by-election dzichaitwa musi wa7 Chivabvu gore rino.

Muchiziviso chayo, ZEC yati sarudzo idzi dzichaitwa musi Wa 7 Chivabvu uye vanoda kupinda musarudzo idzi vanofanira kunge vanyoresa nekomishemi iyi musi wa16 Kurume.

Vaimbove kanzura weWard14 uye vaive meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi avo vakadzingwa basa masvondo maviri apfuura, vaudza Studio 7 kuti vange vari kutarisira sarudzo idzi uye vachakunda kana vakapihwa mukana nebato ravo reCitizens Coalition for Change kuti vadzokere pachigaro chavo.

VaTandi, avo vakadzingwa pamwe chete nakanzura weWard 5 kwaRusape , VaLyton Sithole, vaive sachigaro wekanzuru, iyi vaudza Studio 7 kuti vanokunda musarudzo idzi.

Mutungamiriri wesangano rinoshanda rakazvimirira rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti vanofara kuti ZEC yaita basa rayo nekukasika kudaidzira sarudzo idzi vachiti ndozvaingadai yakaitai pasarudzo dzichaitwa musi wa26 Kurume.

Zvichakadai, ZEC yazivisawo kuti mapato anoti MDC Alliance, Zanu PF neCitizens Coalition achakwikwidza musarudzo dzeWard 20 kuChitungwiza idzo dizchaitwa kutsvaga achatsiva vaive kanzura wwnzvimbo iyi, VaInnocent Jenje avao vakashaya munaNdira.

Sarudzo idzi dzichaitwa musi wa26 Mwedzi unouuya apo pachaitwa sarudzo dze dzema by-election kusarudza nhengo dzeNational Assembly makumi maviri nesere nemakanzura zana nemashanu vakadzingwa basa kana kufa.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG