Accessibility links

Breaking News

Kurwisana Pakati peMauto eUkraine neRussia Kunonzwikwa muGuta Guru reUkraine reKyiv


Guta guru reUkraine, reKyiv
Guta guru reUkraine, reKyiv

Kuputika kwemabhambu pamwe nekurira kwepfuti kunonzi kwanga kuchinzwikwa neMugovera muguta guru reUkraine, reKyiv, apo mauto eRussia nemauto eUkraine akanga achirwira kuti guta guru iri rive pasi pavo.

Vakuru veguta reKyiv vanonzi vadzika mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu kubva nenguva dza 5 manheru kusvika nenguva dza 8 mangwanani ezuva rinotevera.

Vakuru muhurumende yeUkraine vari kukurudzira zvizvarwa zvenyika iyi kuti zvibatsire kudzivirira guta reKyiv kubva kumauto eRussia.

Kamba yemauto iri muguta guru iri yarwiswa asi mauto eUkraine anoti kurwiswa uku kwadzivirirwa.

Chimwe chivakwa chemuturikidzwa chiri muguta guru iri charwiswawo mambakwedza.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muUkraine rati chivakwa ichi charohwa nechombo cheRussia.

Mumwe mushandi anonunura vanhu munjodzi audza sangano renhau Associated Press kuti vanhu vatanhatu vakuvadzwa mukurwiswa nechombo chemuchadenga uku.

Mifananidzo yepamavhidhiyo inoratidza kuti chivakwa ichi chaparadzwa zvakanyanya , zvikuru mumipanda yepamusoro.

Mutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy vakanga vayambira kuti kurwiswa kweKyiv kwaizowedzerwa neMugovera, vakati guta guru iri raida kudzivirirwa vachiti havangarasikirwi naro.

VaZelenskyy vanyorawo padandemutande reTwitter kuti vataura nemutungamiri weFrance VaEmmanuel Macron, vachiti zvombo nezvikwanisiro kubva kune vavanodyidzana navo zviri munzira kuenda kuUkraine.

Ukuwo, gurukota rezvekudyidana nedzimwe nyika muRussia rati mauto eRussia atora guta riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweUkraine reMelitopol.

Vakuru vakuru muAmerica pamwe nenyika dzekumawirira vanoti hurongwa hwemauto eRussia hwekufora achipinda muKyiv nemamwe maguta senzira yekudimura nekuparadza hurumende yeUkraine hunenge hwadzikira mutsindo.

MuKyiv, VaZelenskyy vasarudza kukurudzira nyika yavo, vachiramba runyerekupe rwekuti vatiza guta iri vachisimbisa kuti ivo nevamwe vakuru vehurumende vachirimo vose vachidzivirira rusununguko rwavo nenyika yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG