Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vochemachema neKukwidzwa kweMari dzeMasaisai neveDzinharembozha


Kambani yehurumende yeNetOne inonzi yazivisa kuti yakwidza mari dzemabhanduru eindaneti nezvikamu zana kubva muzana.
Kambani yehurumende yeNetOne inonzi yazivisa kuti yakwidza mari dzemabhanduru eindaneti nezvikamu zana kubva muzana.

Mamwe makambani embozhanhare anonzi akwidza mitengo yemabhanduru anoita kuti veruzhinji vakwanise kuenda paindaneti nezvikamu zvinodarika gumi kubva muzana izvo zviri kutsoropodzwa nevakawanda kusanganisira vemapato ezvematongerwo enyika.

Kambani yehurumende yeNetone yazivisa kuti yakwidza mutengo wemabhanduru anoita kuti vanoshandisa masaisai ekambani iyi kuenda pamadandemutande kana kufona vachemecheme. Netone yazivisa nhasi magwanani kuti yakwidza mutengo wemabhanduru kubva nhasi zvichienda mberi uye mabhanduru aya akwidzwa nezvikamu zana kubva muzana.

Zvaitwa neNetone zvinotevera kukwidzwawo kwakaitwa mutengo wemabhanduru aya neEconet masvondo maviri adarika nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Mumwe anoshandisa nharembozha nemasaisai eNetone, Muzvare Gracious Mangava, vati kuita zvidzidzo zvavo kuchavadhurira sezvo vachishandisa nharembozha kuita zvidzizo izvi.

Sachigaro wesangano revanoburitsa mashoko paindaneti reOnline Content Creators of Zimbabwe, VaToneo Rutsito, vati kukidzwa kwemitengo yemabhanduru kuchaita kuti vatadze kushanda zvakanaka mukuwanisa veruzhinji mashoko anobata zvakawanda muhupenyu hwavo.

Mutauriri weboka revechidiki muCitizens Coalition for Change, VaStephen Chuma, vati kusvitsa mashoko avo ekutsvaga rutsigiro kune veruzhinji pamberi pesarudzo kuchavanetsa sezvo vanga vachishandisa madandemutande kutaura neveruzhinji sezvo vachiti havasi kuwaniswa mukana wekushambadzira bato ravo panhepfenyuro yeZBC pamwe nemapepanhau ehurumende.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti hachisi chokwadi kuti vemapato anopikisa havasi kupihwa mukana wakaenzana newebato ravo pamhepo kuburikidza nenhepfenyuro nemapepanhau ehurumende.

Hatina kukwanisa kutaura nevatauriri vemakambani enharembozha kuti tinzwe kuti chii chiri kukonzera kukwidza kwavaita mitengo yemabhanduru eindaneti. Asi zvichitevera kuchemachema kwaswera kuchiita veruzhinji nezvenyaya iyi pamadandemutande eFacebook, Twitter neWhatsapp, kambani yeNetone yazoburitsa mashoko ichiti iri kuongorora nyaya iyi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika ndiko kuri kukonzera kuti makambani aya akwidze mitengo yemabhanduru.

Munyori muboka revechidiki muZanu PF, VaTendai Chirau, vanyora pandamutande ravo reTwitter kuti vachasvitsawo nyaya iyi kugurukota rinoona nezvehumhizha hwema computer VaJenfan Muswere.

Ukuwo, VaRutsitu vatiwo vachagara pasi naVaMuswere pamwe nePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe kuti vaone kuti nyaya iyi ingadziriswe sei.

VaMuswere vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG