Accessibility links

Breaking News

Hondo Yatangwa neRussia muUkraine Yotarisirwa Kukanganisa Hupfumi HwePasi Rose Kusanganisira muZimbabwe


Russia nhasi yatanga kurwisa Ukraine izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika zvinogona kukanganisa hupfumi hwenyika yeZimbabwe pamwe nekusagadzikana muEurope kana nepasi rose.

Mauto eRussia epasi, emunyanza neemuchadenga nhasi atanga kurwisa muUkraine izvo zvinonzi nehurumende yeUkraine zvasiya mauto ayo anodarika makumi mana afa.

Mutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy vati zvizvarwa zvenyika yavo zvinoda pfuti zvakasununguka kuzotora pfuti idzi kuti zvidzivirire nyika yazvo vachiti Ukraine haina chayakanganisira Russia. Nekune rumwe rutivi, mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, vati nyika dzose dzichada kupindira mukurwisa kwavatanga muUkraine vachadzirwisawo.

Masangano enhau ekunze anoti ndege dzisiri dzemauto dzabva dzamira kupinda nekubuda muUkraine uye vanhu vazhinji vatanga kutiza mudzimba dzavo zvichitera hondo yatanga muUkraine iyi. Ukuwo mauto eUkraine anonziwo ati adonhedza ndege ina dzeRussia. Asi Russia iri kuramba kuti izvi zvaitika.

Muzvinabhizimusi uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vati hondo yatanga kuUkraine inogona kukonzera kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika dzakawanda pasi rose kusanganisirawo muZimbabwe.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoshanda nesangano Labour Economists and Development Research Institute of Zimbabwe, avo vati hondo yatanga yatanga pakati peRussia neUkraine yakonzera kukwira kwemiteno yemafuta ekufambisa dzimotokari pasi rose zvichaita kuti mitengo yedhiziri nepeturu ikwire muZimbabwe.

VaChitambara vatiwo Zimbabwe inogona kuita dambudziko rezvekudya sezvo ichitenga rimwe gorosi kubva kunyika dzakaita seUkraine neRussia.

Mutauriri wemutungamiri werimwe boka reMDCT inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaNtando Ndlovu, vatiwo Russia inofanira kubuda muUkraine sezvo yave kukonzera kusagadzikana pasi rose.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, avo vatiwo kutengwa kwemabhazi neZimbabwe kubva kuBelarus kunogona kumbomiswa zvichitevera kusagadzikana kwave muUkraine.

VaZembe vati hondo yatangwa neRussia kuUkraine inogona kukonzera kusagadzikana pasi rose vakakurudzira nyika dziri mu United Nations Security Council dzinosanganisira iyo Russia kuti dzigare pasi dzione kuti kusawirirana pakati peRussia neUkraine kungagadziriswa sei.

Munyori anoona nezvedzidzo muCitizens Coalition for Change, Amai Evelyn Masaiti, vakurudzira hurumende kuti itore matanho nekurumidza ekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza pamwe nekushanda muUkraine.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye mutevedzeri wavo, VaKindness Paradza, vati titaure negurukota rinoona nezvekunze kwenyika, VaFredrick Shava, avo vati vanga vakabatikana sezvo vati vanga vaine mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuVictoria Falls.

Asi muzinda weZimbabwe muGermany waburitsa mashoko ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muUkraine zvitsvage nzira dzekuenda kumuganhu wenyika iyi nePoland uko kwazvichanobatsirwa kuti zvichegetedzeke. Vari kuda rubatsiro vari muUkraine vari kukurudzirwa kuti vafonere muzinda weZimbabwe kuBerlin panhamba dzinoti + 49 3032 556 760.

Zvichakadai, dzimwe nyika dzemu Europe dzakaita seMoldova nePoland dzati dzakazvipira kutambira vanhu vari kutiza hondo iri muUkraine.

Ukuwo dzimwe nyika dzakaita seAmerica, Britain, Canada, Germany dzakatemera Russia zvirango zvichitevera danho rakatorwa naVaPutin rekurwisa Ukraine

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG