Russia yatanga kurwisa nyika yeUkraine mambakwedza anhasi zvasiya zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri munyika iyi zvotyira hupenyu hwazvo kusanganisirawo zveZimbabwe.
Munzvimbo zhinhi dzatanga kurwiswa neRussia mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvikuru vadzidzi. Mudunhu reOdesa munonzi mafa vanhu gumi nevasere pabhombwa muzinda wemauto, mune zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza zvinodarika makumi matatu. Zvizvarwa izvi zvaudza Studio 7 kuti zvange zvave kunotsvaga kwekupotera.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reRevinnytsia muUkraine Muzvare Prudence Chinemo vari kudzidzira kuita chiremba vaudza Studio 7 kuti mabhambo atotanga kukandwa uye vanoti vari parumananzombe sezvo vasina zvekudya nezvimwe zvinodiwa mukurarama. Vati muguta mavari mune vadzidzi vanodarika makumi mashanu nevashanu vekuZimbabwe uye havasati vawana rubatsiro kubva kumuzinda weZimbabwe uri kuGermany.
Vati shuviro yavo yave yekuti vabuditswe munyika iyi. Mukoma waMuzvare Chinemo, Amai Veronica Mainda Jojo vanoti vari kutyirawo hupenyu hwemunin’ina wavo uye vanoti akafona achichema mushure mekutanga kwehondo iyi
Facebook Forum