Accessibility links

Breaking News

America Yoyambira Ukraine Kuti Inogona Kupambwa Chero Nguva neRussia


Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy.
Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy.

Vakuru munyaya dzezvekudzivirirwa kwenyika muAmerica vayambira Ukraine kuti Russia yave pedyo nekupamba nyika iyi. Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri wehurumende yeAustralia VaScott Morrison.

VaMorrison vanoti Russia inokwanisa kupinda muUkraine mukati mezuva rimwe chete. Nemusi weChipiri, Russia yakati inotsigira nekucherechedza mamwe matunhu maviri enyika yeUkraine ainge ati ave kuzvipatsanura kubva kuUkraine anoti Donesk neLuhansk.

Russia yakabva yatumira mauto kumatunhu aya ichiti ari kuenda kunochengetedza runyararo. Izvi zvakapa kuti nyika dziri kutsigira Ukraine dzakaita seAmerica, Germany, Britain, Canada, Japan Australia nedzimwe dzitemere Russia zvirango.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRejoice Ngwenya vanoshanda nesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions vati Russia iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations nekupamba matunhu eUkraine.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG