Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti ZEC Ndiyo Inofanira Kuona Kuti ZBC Yapa Mapato Ose Mukana Munguva yeSarudzo


ZBC
ZBC

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti munguva yesarudzo sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC ndiyo inofanira kunge yoona kuti ZBC yapa mapato ose mukana wakafanira panguva yesarudzo.

VaParadza vaudza Studio 7 kuti vose vanoda kuziva nezvemashandiro eZBC munguva yesarudzo vanofanira kuenda kuZEC kwete kubazi ravo.

Izvi zvinotevera, mamwe mapato anopikisa anoti haasi kufara nekambani yenhau yeZimbabwe Broadcasting Corporation nekuburitsa kwairi kuita misangano yeZanu PF chete panguva yainenge ichiitwa asi mapato anopikisa aya asingapihwewo mukana mumwechetewo paanenge achiitawo misangano yawo paari kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-elections dzakatarisirwa kuitwa musi waKurume 26. Frank Chikowore anotipa nyaya iyi.

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vavimbisa kuti vachaburitsa gwaro rinoratidza kuti mapato ose anenge achipihwa mukana sei panhepfenyuro dzemunyika dziri pasi pehurumende idzi.

Mamwe mapato anopikisa akaita seCitizens Coalition for Change neMDC Alliance anoti haasi kufara kuti ZBC iri kungoburitsa misangano yeZanu PF chete panguva yainenge ichiitwa iwo asingapihwe mukana mumwechetewo.

Mutauriri weCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vati zviri kuitwa neZBC zvekuburitsa misangano yeZanu PF chete pachivhitivhiti pamwe nema radio ekambani iyi nguva inenge ichiitwa misangano yebato iri vemapato anopikiswa vasingapihwe mukana wakadai zvinoratidza kuti hapana chati chachinja munyaya dzemafambisirwo esarudzo munyika idzo dzinogara dzichinzi hadzina kufamba zvakanaka nguva dzose.

Izvi zvatsinhirwa nemutauriri weMDC Alliance, VaWitness Dube, avo vati zviri kuitwa neZBC izvi kutyora kodzero dzevanhu sezvo ZBC iri kambani inoshandisa mari dzinobva muhomwe dzeveruzhinji uye vati nyaya dzakadai dzinokwanisa kugadziriswa kubudikidza nenhaurirano munyika.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 vari kwaMurehwa kuti bato ravo hariudze ZBC zvekuita.

Sachigaro wesangano reMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe, VaGolden Maunganidze, vati pavakanyorera tsamba kambani yeZBC vachida kuziva hurongwa kwekambani iyi hwekuti ichazodii nenyaya yekupa mapato ezvematongerwo enyika mikana yakaenzana vakafara kambani iyi payakapindura ichiti yakanga ichiziva zvainotarisirwa kuita nenyaya iyi.

Vanoti ZBC yakaratidza sekunge yainge yakazvipira kupa mapato ese mikana yakaenzana uye kambani iyi ikavazivisawo zvakare kuti yakanga yanyorerwawo tsamba nezvenyaya imwecheteyo nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC

. VaMaunganidze vati ZEC inofanira kutora matanho akasimba kuti nyaya iyi igadziriswe sezvo iriyo inotungamira nyaya dzesarudzo munyika.

Mibvunzo yatatumira mukuru weZBC, Muzvare Adelaide Chikunguru, kuti tinzwe divi rekambani yavo panyaya iyi yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo uye nharembozha yavo yanga isiri kudairwa. Asi mutsamba yavo kuMisa, Muzvare Chikunguru vakati vakavimbisa kuti vachaita sezvanotarisirwa nebumbiro remitemo kuti vape mikana yakaenzana kumapato ezvematongerwo enyika.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Elections Support Network, VaAndrew Makoni, vati zvinobuda musarudzo hazvizotambiriki zvakanaka kana mamwe mapato anenge achikwikwidza musarudzo ari kugunun’una kudai uye vakurudzirawo vemapato ane zvichemo kuti varambe vachigogodza pagonhi reZEC.

Mapato anopikisa anogara achigunun’una kuti haapihwe mukana wakaenzana nebato riri kutonga panhepfenyuro yeZBC pamwe nemamwe mapepanhau ehurumende akaita seHerald neChronicle izvo zvaanoti zvinobatsiridza kuti sarudzo dzisafambiswe zvakanaka.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG