Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weDunhu reGauteng Okurudzira Kuti Zvizvarwa zveSouth Africa Zvisashungurudza Vabvakure


Mutungamiri wedunhu reGauteng muSouth Africa, VaDavid Makhura.
Mutungamiri wedunhu reGauteng muSouth Africa, VaDavid Makhura.

Mutungamiri wedunhu reGauteng muSouth Africa, VaDavid Makhura, vari kukurudzira zvizvarwa zvenyika yavo kuti zvisiyane nekuisa mutemo mumaoko azvo mukuedza kwazvo kugadzirisa dambudziko rezvizvarwa zvekunze zviri muSouth Africa zvisiri pamutemo.

Vachitura mashoko edunhu ravo neChipiri manheru, VaMakhura vakati dunhu ravo reGauteng, iro rinove dunhu hombe mune zvehupfumi muSouth Africa, harikodzeri kusangana zvakare nemhirizhonga yekurwiswa kwevanobva kunze kwenyika.

Vakakurudzirawo kuti zvizvarwa zveSouth Africa zvisiyane netsika yekubvunza vanhu zvitupa nemagwaro ekufambisa, sezvo izvi zviri kunze kwemutemo.

Mashoko aVaMakhura aya anouya panguva iyo kushungurudzwa kwezvizvarwa zvekunze kwenyika, kusanganisira zveZimbabwe, kuri kuramba kuchienderera mberi muSouth Africa kuchitungamirwa nechikwata chiri kuzviti Operation Dudula.

Chikwata ichi chiri kupomera vekunze mhosva dzekutora mabasa pamwe nekuita zvehumbavha nehugororo.

NeChishanu chapfuura chizvarwa cheZimbabwe VaTaru Mambeu nemhuri yavo, vanogara kuPolokwane munzvimbo inonzi Muletji pasi pamambo Muloto vakaburitsirwa midziyo yavo panze vachinzi vabve munzvimbo iyi.

VaMambeu vanoti zvizvarwa zvemuSouth Africa zvidarika makumi mashanu zvakangouya mumusha mavagere zvichiridza pembe zvichipomera zvizvarwa zveZimbabwe mhosva yekuba waya dzemagetsi munharaunda mavo.

NeMugovera nhengo dze Operation Dudula dzakafora mumusha weHilbrow muJohannesburg dzichipa vashandirwi mazuva manomwe chete ekuti vange vadzinga vashandi vavo vose vekunze mabasa vachipinza zvizvarwa zveSouth Africa.

Chikwata ichi chaimanikidzawo vanhu mumigwagwa kuratidza zvitupa kana mapasipoti asi mapurisa anonzi akazouya akayambira kuti chisiyane nekubvunza vanhu zvitupa.

VaMambeu vanoti pari zvino vakambokwanisa kudzokera mudzimba dzavo mushure mekunge sadunhu wavo anonzi VaSpuru azoshevedzera musangano akataura nevavhu ava kuti vasaita zvinhu izvi.

Asi vanoti vanongogara vakasunga katundu sezvo vasingazive kuti remangwana rinobuda rakavatakurirey mudengo maro.

Hurukuro naVaTaru Mambeu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG