Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa chekuAmerica Chakasungwa muHarare Chotarisana neMakore Makumi Maviri muJeri


mhando yepfuti yerevolver

Chizvarwa chekuVirginia, muAmerica, VaRonald Leon Johnson vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekubatwa nemhosva mbiri, nhasi, yekukwira ndege nepfuti vasina mvumo uye yekuwanikwa vaine nepfuti vasina magwaro epfuti iyi.

VaJohnson avo vane makore makumi mashanu nematanhatu ekuberekwa, vakasungwa musi wa15 mwedzi uno panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport mushure mekuwanikwa vaine pfuti diki kana kuti revolver vaine tumatura twekuchengetera mabara kana kuti mamagazine matatu aive nemabara makumi mana nemashanu.

Pfuti iyi nemagazini aya zvaive mumabhegi avo uye VaJohnson havana kunge vasizvisa vemutemo nezvepfuti yavo pavakapinda munyika musi wa5 mwedzi uno sezvinodiwa pasi pemutemo weFirearms Act.

VaJohnson avo vari kushanya munyika kekutanga vabvuma mhosva dzavo dzese dziri mbiri vakakumbira dare kuti rivape mutongo wakarereuka sezvo vakatadza kutevedza mutemo nekusaziva.

Kuti vapihwe mutongo wakareruka, gweta ravo, VaThomas Nyakunika vati pfuti iyi haina kuwonekwa pavakapinda munyika uye vakatenderera munyika kusanganisira kuenda kumusha kwavatezvera vavo kwaMrewa, kushanya kunzvimbo dzakaita seMasvingo ne Nyanga vakati izvi zvinoratidza kuti vainge vasina chinangwa chekushandisa pfuti iyi kupara mhosva.

Vatiwo VaJohnson munhu akaterera kurudziro yehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yekoka vekunze kuti vashanye kuZimbabwe vakati kuvatongera kugara mujeri kunogoina kukanganisa hukama pakati peAmerica neZimbabwe.

Vatiwo vaJohnson vakafamba nepfuti iyi kubva kuAmerica vakaenda nekuAddis Abba International Airport pasina dambuiko ravakasangano naro.

VaNyakunika vati hongu mutemo wakatyora asi humbowo huripo hunoratidza kuti havasi mhondi kana tororo nekudaro vanofanira kubhadhadhariswa faindi kuti vakwanise kudzokera kuAmerica uko vaifanira kutanga basa ravo nezuro.

Asi muchuchusi, VaWhisper Mabhaudi, vati VaJohnson semunhu akashanda muchiuto kwemakore makumi maviri varipa chinzvimbo chaSegearnt Major First, munhu anoziva mitemo yepfuti uye vangadai vakaudza vemutemo kuti vaive nepfuti pavakapinda muZimbabwe.

Vatiwo vanoshamisika kuti VaJohnson vaienda kwatezvara vavo vane pfuti inemabara akwanda kudai sei vachiti zviri pachena kuti vaive nezvimwe zvinangwa zvavasiri kuda kuburitsa pachena.

VaMabhaudhi vati dunhu rinobva vaJoihnson reVirginia kuwanikwa uine pfuti usina magwaro unogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore maviri kana faindi yemadhora zviuru zviviri nekudaro VaJohnson havasi kutaura chokwadi kana vachiti vainge vasingazive kuti muZimbabwe mune mutemo wepfuti.

Vatiwo nyika inogona kurasikirwa zvikuru kana ikarega vanhu vachingopinda munyika pasingatevedzwe mutemo nekuti mutungamiriri wenyika vari kukoka vekunze kuti vazosimudzira hupfumi.

Vakurudzira dare kuti ripe VaJohnson mutongo wakaoma kuitira kuti vaye vari kuronga kutyora mutemo vasazviite

Vakumbira dare kuti ripe VaJohnson makore gumi mutirongo pamhosva yekutanga uye gore reimwe pamhosva yechipiri.

Mushure mekunzwa mativi maviri, dare rati richapa mutongo waro mangwana na10 30 mangwana.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumuzinda weAmerica muZimbabwe sezvo wati unoremekedza zvido zveVaJohnson zvekuti vasataure pamusoro pavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG