Accessibility links

Breaking News

Vashandi vepaUZ neGreat Zimbabwe University Voramwa Mabasa


University of Zimbabwe
University of Zimbabwe

Vashandi vepa zvikoro zvikuru zveGreat Zimbabwe University (GZU)ne University of Zimbabwe (UZ) vatanga kuramwa mabasa vachiti mari yavanotambira haichakwani kuti vaendeko pamwe nekuraramisa mhuri dzavo.

Vashandi ava vakanyorera vakuru vazvo tsamba musi wa 17 na 22 Kukadzi vachivazivisa kuti havachakwanisi kuenda kubasa kusvika mihoro yavo yawedzerwa.

Izvi zvinotarisirwa kukanganisa vadzidzi zvakanyanya avo vange vambovhiringidzwawo kwenguva yakareba nedenda reCovid-19.

Mutsamba yakanyorwa nemutungamiriri weGreat Zimbabwe University Lecturer’s Union, VaGivewell Munyaradzi pamwe nemutungamiriri wekomiti ye Great Zimbabwe University Non Teaching Staff Union, VaJabulani Denhere vashandi vakati mari yavave kutambira haikwani kana kubhadharira vana vavo mari yechikoro nekudaro vambokanda mapadza pasi.

VaMunyaradzi vanoti mari yavave kutambira hainderani nemadhuriro ari kuita hupenyu. Izvi zvatsigirwa nevaDenhere avo vati vashandi vasingadzidzisi ndivo vakaomerwa chaizvo kana zvichienzaniswa nevadzidzisi sezvo mari yavanotambira iri yepasi pasi kune vamwe vashandi vose.

Vaenderera mberi vachiti mihoro yevazhinji vavo haisviki makumi masere emadhora eku America pamwedzi.
VaMunyaradzi vatiwo mihoro yevanodzidzisa pazvikoro zvepamusoro munyika ishoma uye vanodawo kuti ienzaniswe nezvimwe zvikoro zvepamusoro mudhunhu reSADC.

Vadzidzisi vepazvikoro zvepamusoro munyika vanotambira mari isingapfuuri mazana matatu nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica kana kuti US$350. Asi kune zvimwe zvikoro zvepamusoro mudunhu reSADC vanotambira mari dzinosvika zviuru zvina zvemadhora ekuAmerica, $4000.

Mutauriri weGreat Zimbabwe University VaAnderson Chipatiso, avo varamba kutaura pamhepo, vati vakatambira tsamba kubva kuvashandi vavo uye pachaitwa musangano wekutarurina nevatungamiriri vevashandi mangwana.

Studio 7 yatadza kubata sachigaro weUniversity of Zimbabwe Workers Union, Dr Wilbert Zvakanyorwa Sadomba avo vange vasingadairi nharembozha yavo kuti tinzwe divi ravo. Asi mugwaro ravakanyorera vakuru vechikoro chavo, VaSadomba vakati mari yavo haichikwani kuti vakwire maduta vanhu kana kudira mafuta emotokari kuti vasvike kubasa.

Dr Sadomba, vakati mari yavanotambira yave pasi pemari inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu kuti vararame inosvika zviuru makumi manomwe nemakumi maviri emadhora $72 000 RTGS.

Gururukota rezvedzidzo yepamusoro munyika, Muzvinafundo Amon Murwira, vange vasingadari nharembozha yavo kana kupindura tsambambozha kuti tinzwe diviri rehurumende panyaya iyi.

Vashandi vepazvikoro zvepamusoro ava vabatana nevamwe vadzidzisi vepazvikoro zvepasi avo vakatanga kuramwa mabasa kubva zvakavhurwa zvikoro mwedzi uchitanga vachiti mari yakawedzerwa nehurumende ishoma.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG