Accessibility links

Breaking News

MISA Yoshora Hurumende neKuvhiringidza Internet VaChamisa Vachiita Musangano kuHighfield


Nelson Chamisa addressing followers in Harare
Nelson Chamisa addressing followers in Harare

Sangano reMISA Zimbabwe riri kushora hurumende nedanho rainonzi yakatora nemusi weSvondo kukanganisa masaisai einternet kuti vanhu vasaone nekunzwa zvaitaurwa nemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa.

VaChamisa vaiparura hurongwa hwekutsvagira nhengo dzavo rutsigiro musarudzo dzemaby-elections muHarare.

Mukuru weMISA Zimbabwe VaTabani Moyo vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nehurumende kutyora zvibvumirano zveUnited Nations uye zveAfrican Union zvinoti kudzima madandemutande kutyora kodzero dzevanhu.

MISA Zimbabwe inoti madandemutande eZOL, Telecel Zimbabwe neNetOne, Liquid Telecom neUtande ainge asiri kushanda sezvinotarisirwa. Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuzorwa mafuta enguve yaisina kuduya vachiti haina kuvhiringidza dandemutande reinternet.

MISA Zimbabwe inoti izvi zvinombitwawo kunyika dzakaita seNigeriam Tanzania, Eswathini, Zambia, DRC, Uganda neCameroon. MISA inoti aka hakasi kekutanga hurumende ichiita izvo sezvo yakambozviita muna 2019.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG