Accessibility links

Breaking News

America neBritain Dzoronga Kuwedzera Zvirango Zvakatemerwa Russia neKupinda Kwayo muUkraine


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachisaina mutemo unorambidza kutengeserana nemabhizimusi pakati peAmerica nematunhu maviri azvipatsanura kubva kuUkraine ave kunzi neRussia anozvitonga, vari kumuzinda weWhite House muWashington, Kukadzi 21, 2022. (White House)
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachisaina mutemo unorambidza kutengeserana nemabhizimusi pakati peAmerica nematunhu maviri azvipatsanura kubva kuUkraine ave kunzi neRussia anozvitonga, vari kumuzinda weWhite House muWashington, Kukadzi 21, 2022. (White House)

America neBritain neChipiri dziri kutarisirwa kuwedzera zvirango zvakatemerwa Russia zvichitevera danho remutungamiri wenyika iyi, VaVladmir Putin, rekucherechedza matunhu akapindwa neRussia eDonetsk neLuhansk ari kumabvazuva kweUkraine sematunhu akazvimirira.

Izvi zvinouya panguva iyo dzimwe nyika dziri mumubatanidzwa weEurope Union dzinodyidza nenyika mbiri idzi dziri kurongawo zvirango zvadzo paRussia.

Germany yazivisawo kuti yave kumisa kupasiswa kwepombi inofambisa gasi kubva kuRussia kuenda kuGermany, ye Nord Stream 2, senzira yekuomesera Russia zvichitevera danho rayo kumabvazuva kweUkraine.

Zvirango zviri kutemerwa Russia izvi zvinonzi zvakanangana nekuomesera nyika iyi nekutyora kwayo mitemo yepasi rose pamwe nekupindira kwayo mukuzvitonga kweUkraine.

Mutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy vakurudzira kuti zvirango zvitemerwe nekukasika, zvichisanganisira kuvharwa kwepombi inofambisa gasi kubva kuRussia kuenda kuGermany, yeNord Stream 2, kuitira kuti Russia isaramba ichienderera mberi nekupinda munyika yavo.

Kurudziro yaVaZelenskyy iyi inoratidza kuti yatambirwa sezvo mutungamiri weweGermany, VaOlaf Scholz, vabva vazivisa nezvedanho ratorwawo nenyika yako rekuomesera Russia vari kuBerlin.

Russia inonzi yakaisa mauto zviuru zana nemakumi mashanu pamwe nezvombo zvehondo kumuganho wayo ne Ukraine, ukuwo motokari dzayo dzehondo dzichipinda mudunhu re Donbas riri kumabvazuva kweUkraine usiku hwadarika.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakadzika zvirango zvekutanga neMuvhuro vachipindura danho raVaPutin rekucherechedza matunhu maviri aya seakazvimirira, uye kupinza kwavo mauto eRussia mumatunhu aya avari kuti ari kuchengetedza runyararo.

VaBiden vakasaina mutemo unorambidza kutengeserana kana kuita zvemabhizimusi pakati peAmerica nematunhu maviri azvipatsanura kubva kuUkraine ave kunzi neRussia anozvitonga aya.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muMaryland muAmerica, VaCharles Muchineripi Mutama, avo vanotungamira bato rinopikisa rePatriotic Zimbabweans, avo vanoti havaoni zvirango zviri kudzikwa neAmerica nemadzisahwira ayo izvi zvichiita kuti VaPutin vashandure maitiro avo panyaya yeUkraine.

VaMutama vanoti vanoona sekunge munyaya dzezvehupfumi Russia inogona kuzvimirira ichibatsirwa nenyika dzakaita seChina neBrazil, uye inogona kuendesa pombi yayo yegasi neku Crimea kana Ukraine yakaiomesera.

Panyaya yekuti America neEuropean Union dzingapinzawo mauto adzo mumatungu eDonetsk neLuhansk here kurwisana nemauto eRussia, VaMutama vanoti havaoni izvi zvichiitika sezvo America neRussia dzichidyidzana mune zvimwe zvakawanda zvinosanganisira nyaya dzezvitundumuseremusere.

Hurukuro naVaCharles Mutama
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG