Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vanopokana neZvakaturwa naVaChamisa kuHighfield


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza vatori venhau nhasi kuti vakateerera mashoko akataurwa nemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa nezuro kunhandare yeZimbabwe Grounds kuHighfield pakuti vanokwanisa kukwezva vekunze kuzomutsiridza hupfumi, vakavapomera mhosva yekuda kuvaka Zimbabwe nevabvakure.

Vachitaura nevatori venhau kumucheto wemusangano wavaita nevechidiki paRobert Gabriel Square muHarare nhasi, VaMnangagwa vati bato ravo rinovimba kuti nyika inovakwa nevene vayo.

Vapomerawo VaChamisa nebato ravo mhosva yekuda kukonzera mhirizhonga apo vakataura zvekuti havazobvumi kubirwa sarudzo muna2023.

Vachipindura, VaChamisa vaudza Studio 7 kuti vanotenda zvikuru kuti kunyangwe mutungamiriri wenyika VaMnangagwa vanovateerera pavanotaura vakatiwo hapana pachavakwa nyika pasina rubatsiro rwevekunze.

VaChamisa vatiwo kana sarudzo dzikasaitwa zvinogutsa vane kodzero yekuratidzira sezviri mumbumbiro remitemo yenyika vachiti uku hakusi kukonzera mhirizhonga asi ikodzero yevana veZimbabwe.

VaChamisa nezuro vachitaura nevatsigiri vavo kuHighfield vakati vanoda kuti sarudzo munyika dzive dzejekerere. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vainge vari kuRhudhaka Stadium kuMarondera vachitsvagira bato ravo reZanu-PF rutsigiro pamberi pesarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa musi wa 26 Kurume.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG