Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights richishanda neEuropean Union nemamwe masangano rakaparura chirongwa chekuenda kunzvimbo dzakasiyana siyana chichibatsira vanhu kuwana magwaro ekuberekwa nezvitupa.
ZLHR yakatoenda kunzvimbo dzekumaruwa dzakaita seInsiza kUMatabeleland South.
Ongororo yakamboitwa nesangano reWomen Leadership Development yakaratidza kuti vana makumi mana kubva muzana evana kumatabeleland haana magwaro ekufambisa.
Nyaya yekushaya magwaro akakosha aya inokonzerwa nekuti mudunhu iri mune vamwe vabereki vakatsakatika munguva yegukurahundi zvopa kuti vana vavo vashaye magwaro ekufambisa uye nyaya yekuti zvinodhura kuwana magwaro aya.
Mutauriri weZLHR VaKumbirai Mafunda vanoti chirongwa ichi chichaenda kumatunhu ose emunyika.
Facebook Forum