Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokwezva Zviuru neZviuru Pamusango Wavo Kunyangwe Mapurisa Ari Kunzi Aida Kuvavhiringidza


Vatsigiri ve Citizens Coalition for Change in Harare
Vatsigiri ve Citizens Coalition for Change in Harare

Mutungamiriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC, VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakaparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro rwebato ravo musarudzo dzemaby-election vachiti havasi kuzorega Zimbabwe Electoral Commission ichibirira sarudzo.

Zviuru nezviuru zvakauya kumusangano uyu kunyangwe paine mashoko ekuti mapurisa akayedza kumisa vanhu kuenda kumusangano uyu kuburikidza nekuvamisa mumigwagwa uye hurumende iri kupomerwa mhosva yekuvhirindiza masaisai padandemutande asi zvose izvi zvinonzi zvakashaya basa.

Hatina kukwanisa gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazebe sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevatsigiri vavo vakapinda muZimbabwe Grounds kuHighfild, VaChamisa, vakati bato ravo rakatsvaga nyanzvi dzekuongorora gwaro revavhoti uye havasi kuzorega Zimbabwe Electoral Commission kana kutu ZEC ichibira sarudzo.

Vakatiwo CCC ichaedza zvese zvainokwanisa kudzivirira kubirwa kwesarudzo uye vati rwendo rwuno kana sarudzo dzikabirwa vanhu veZimbabwe vachazvisungura pachavo.

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vanogara havo vachiramba kuti sarudzo dzinobirirwa vachiti vane humbowo hwacho vauye nahwo kwavari.

VaChamisa vashora mutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Manangagwa avo vakataura svondo rapfuura kuti mapato anopikisa haasikuzofa akatonga Zimbabwe vachiti vana veZimbabwe ndivo vachasarudzo vatungamiriri vavanoda.

Vati hapana chinotadzisa shanduko muZimbabwe vachiti mhepo yeshanduko yave tenderera muSADC sezvakatoitika kuZambia neMalawi. VaMnangagwa vakapika svondo rapera kuti zvakaitika muZambia hazvidzokororwe muZimbabwe.

VaChamisa vakakurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota vachiti izvi ndizvo zvinoita kuti CCC ikunde musarudzo.

Vati CCC ikange yave kutonga ichawedzera varairidzi nevashandi vese vehurumende mari vachiti vanoda kuti vashande vakafara.

VaChamisa vakati CCC ibato idzva uye vati hutungamiriri huchabva kuvanhu. Vati vatungamiriri varipo vakafanobata zvinzvimbo chete uye vanhu vachaziviswa munguva pfupi inotevera kuti hutungamiriri huchasarudzwa rini.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri werimwe bato rinopikisa reFront for Economic Emancipation VaGodfrey Tsenengamu vakati vanotsigira CCC vachiti ibato richaunza shanduko muZimbabwe.

VaChamisa vakashandisa musangano uyu kuratidza veruzhinji nhengo dzichamirira bato ravo musarudzo dzemaby-election uye vati misangano yakadai ichaitwawo mumatunhu ese ari kuitwa sarudzo dzemaby-elections

Hutungamiriri webato iri hwakasanobata zvigaro hunosanganisira, VaTendai Biti, Amai Lynette Kore, VaJob Sikhala vakapinda mumusangano uyu

Sarudzo dzema-election dzichaitwa musi wa26 mwedzi unoouya kutsiva nhengo dzeparamende namakanzura akafa kana kudzingwa basa mumapato anoti MDC Alliance, PDP neZanu-PF.

Pane zvigaro makumi maviri nezvisere muparamende nezvigaro zana nezvishanu zvinoda kuzadziswa mumakanzuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG