Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Gumi neNhatu Dzakasungwa Chishanu muHarare Dzinomiswa Pamberi peDare


Nhengo dzebato reCCC dzapinda mudare dzichipomerwa mhosva yekurova mupurisa nekuita mhirizhonga muHarare.
Nhengo dzebato reCCC dzapinda mudare dzichipomerwa mhosva yekurova mupurisa nekuita mhirizhonga muHarare.

Nhengo gumi nenhatu dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change dzakasungwa nezuro muHarare dzamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nhasi dzichipomerwa mhosva yekurova mupurisa.

Gweta riri kumirira vasungwa ava, VaKudzai Kadzere, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti varume gumi nevaviri pamwe nemudzimai mumwechete ava vakarohwa zvakaipisisa vari mukamba yemapurisa, uye mutongi wedare Muzvare Yeukai Nzuda havana kuvapa mukana wekuti vasungwa ava vaonekwe navanachiremba.

Nhengo dzebato dzeCCC idzi dzakasungwa muHarare umo dzaitsvaga rutsigiro pamwe nekukurudzira veruzhinji kuti vaende kumusangano wekutsvaga rutsigiro uchaitwa nemutungamiri webato radzo VaNelson Chamisa kuZimbabwe Grounds mumusha weHighfields mangwana.

VaKadzere vanoti vasungwa ava vanzi vadzoke kudare nemusi wa 22 mwedzi uno, unove Chipiri chinouya apo vanotarisirwa kusvitsa chichemo chavo chekuti vapiwe mukana wekurapwa kudare.

Hurukuro naVaKudzai Kadzere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bato reCCC rinoti musangano wekutsvaga rutsigiro wanga wakarongwa nevari kuda kukwikwidza musarudzo dzema by-election dzeparamende mudunhu reHarare East vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, Va Tendai Biti, paChemhanza Grounds kuOld Tafara watadziswa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Musangano uyu unonzi wakanga wabvumidzwa nemapurisa asi achiti paifanirwa kuungana vanhu vasingadariki zana chete kutevedzera mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Bato iri rinotiwo nhengo dzaro dzinodarika makumi masere dzasungwa kuMasvingo uko dzanga dzichitsvaga rutsigiro mudzimba.

Bato iri rati nhengo dzaro dzanga dzakachengetedzwa pakamba yemapurisa yeMasvingo Central Police Station panguva yataenda pamhepo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kanawo veZanu PF muHarare East kuti tinzwe mativi avo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG