Accessibility links

Breaking News

Vateveri veNhabvu Vove neMachikichori muKupera kweSvondo


Mitambo yenhabvu ichange ichitambwa munyika yose neMugovera neSvondo.
Mitambo yenhabvu ichange ichitambwa munyika yose neMugovera neSvondo.

Vateveri vemutambo wenhabvu vatarisana nemachikichori emitambo iri kundengendetsa dzinhandare kumativi mana ese enyika mukupera kwesvondo.

Makundano enhabvu aya adzoka kubva kuzororo zvine mutsindo nemabiko emitambo yakafararira kumativi mana ese enyika.

Svondo rapera kwaingove nemitambo mitatu chete asi svondo rino zvikwata zvese zviri kupinda munhandare kurwira mukombe uyo uri mumaoko eFC Platinum pari zvino.

Asi mutambo uri kunyanyotaurwa nezvawo ndeuyo uri munhandare yeMandava mangwana pakati peFC Platinum neDynamos iyo yaive mubishi kutenga vatambi vatsva panguva yezororo.

Dynamos yakasimbisa chikwata chayo nekutenga Issa Sadiki, Last Jesi, Evans Katema, Ralph Kawondera, naBrendon Mpofu, avo muraridzi wavo Tonderai Ndiraya ari kutarisira kuti vachamubatsira kukunda mangwana.

Mutambo uyu uchatambwa nguva dzekudya kwemasikati.

Dembare neKugona Kunenge Kudada dzakaenzana pachinhanho chechina pasi peManica Diamonds, Ngezi Platinum Stars neBulawayo Chiefs.

Asi Chiefs ine mutambo wakaoma apo iri kusangana nevavakidzani vayo veChicken Inn avo vakatora mukombe weligi uyu muna 2015.

Chiefs yakaunganidzawo vatambi vane mukurumbira kusanganisira Perfect Chikwende, Obriel Chirinda, naKelvin Madzongwe.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaFarai Kambamura vanoti semaonero avo Chiefs yakasimba zvekutora mukombe uyu.

Nemhaka yekushomeka kwedzinhandare muHarare, Yadah iyo iri kusangana neBlack Rhinos mangwana, neCranbourne Bullets iyo ine ZPC Kariba nesvondo, dziri kutambira mitambo yadzo kuBaobab Stadium kumaruwa eMhondoro-Ngezi.

Asi Herentals ichange iri muNational Sports Stadium ichisangana neManica Diamonds iyo iri pamusoro petafura nemapoinzi mapfumbamwe kubva mumitambo mitatu.

Asi Highlanders iyo ine poindi imwechete chete iri kutarisira mapoinzi ayo matatu ese ekutanga kubva kuHwahwa, panguva iyo Harare City ine rwendo rwurefu kuenda kuTriangle.

Murairidzi Taurai Mangwiro, uyo aive kuTriangle, ave kuHarare City uyezve akatakura naye vatambi vakati wandeyi kusanganisira Timothy January naDonald Mudadi

Mutambo pakati peTenax neBulawayo City ndiwo uri kuvhara mitambo yemukupera kwesvondo rino.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG