Accessibility links

Breaking News

ZEC Yopomera Mamwe Mapato neMasangano Akazvimirira Mhosva yeKutaura Manyepo


ZEC
ZEC

Zimbabwe Electoral Commission inoti zvinoitwa nemamwe mapato nemamwe masangano anoshanda akazvimirira zvekutaura manyepo kuti ZEC inobira sarudzo ndizvo zviri kukonzera kuti vanhu vakawanda vanofanira kuvhota vasanyoresa kuvhota uye kuti vasavhote musarudzo dzinoitwa munyika.

Vachitaura nevatori vanhau nhasi, vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvesarudzo muZEC, cha Chief Elections Officer, Amai Jane Pamhidzirayi Chigiji, vati pane manyepo akawanda ari kutaurwa kana kunyorwa pamadandemutande pamusoro peZEC akaita sekuti vanobira sarudzo, uye kuti gwaro revavhoti harina kumira zvakanaka pamwe nekuti vanoshandisa vasori veCentral Intelligence Organisation pabasa ravo.

Amai Chigiji vati ZEC inoita basa rayo pachena uye pane hwaro hwekugadzirisa zvichemo.

Vati mamwe mapato ezvematongerwo enyika, avasina kudoma, anogarotaura manyepo kuti ZEC inobira sarudzo vachiti izvi ndizvo zvinoita kuti vanhu vasafarire sarudzo munyika.

Asi vati chinoshamisa ndechekuti mapato aya anoramba achienda kuZEC kuti nhengo dzawo dzipinde musarudzo, dzingave dzemutungamiriri wenyika, paramende kana makanzuru.

Panyaya yekuti ZEC inoshandisa vasori pabasa rayo, Amai Chigiji vati ZEC inobvumidzwa kushandisa vashandi kubva kumapazi akasiyana siyana ehurumende, makambani ayo kana makunzuru pabasa rayo.

Amai Chiigiji vatiwo pane mashoko akawanda ari kutaurwa pamusoro pegwaro revavhoti uye vati mapato ari kupinda musarudzo pamwe nevane chekuita nesarudzo idzi vakatopihwa gwaro iri.

Vati kana paine zvichemo, pane nzira inoshandiswa kuti zvigadziriswe kwete kuenda kunonyora manyepo pamadandemutande.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Advocate Fadzayi Mahere, vaudza Studio7 kuti haisi mhosva kana vana veZimbabwe vachigunun’una kuti ZEC haisi kuita basa rayo zvakajeka.

Vatiwo havafari kuti vasori kana mauto ashande muZEC vachiti izvi ndizvo zvinoita kuti bato ravo ribatwe neseri kweruoko.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vaudza Studio 7 kuti kushandisa vasori nemauto kuri kuitwa neZEC kunoratidza kuti ZEC haina kuzvimirira.

Mukuru werimwe sangano rinoongorora sarudzo muZimbabwe, reZimbabwe Elections Support Network, VaAndrew Makoni, vaudzi Studio 7 kuti havabvumirane neZEC kuti mapato ezvematongerwo enyika nemasangano anoshanda akazvimirira ndiwo anokonzera kuti vanhu vasade kuvhota.

ZEC yati zvese zvainoita inoshandisa mutemo weElectoral Act nebumbiro remutemo uye Amai Chigiji vati zvimwe zvavanonzi vaite zvakaita sekuvhotesa vasungwa mumajeri, vanokwanisa kuzviita chete kana mutemo wavandudzwa.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG