Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mumiriri weHurungwe East, Amai Sarah Mahoka, Vanoshaya Mutsaona yemuMugwagwa


Motokari yaifamba naAmai Mahoka inonzi yakaroverana nerhorhi hombe mumugwagwa weHarare Chirundu.
Motokari yaifamba naAmai Mahoka inonzi yakaroverana nerhorhi hombe mumugwagwa weHarare Chirundu.

Vaimbove mumiriri weHurungwe East muparamende, Amai Sarah Mahoka, vakafa patsaona yemumugwagwa neChitatu manheru pedyo neBuffalo Downs mumugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu.

Amai Mahoka vaimbove nhengo yebato reZanu PF vari muchikwata cheG40 chinonzi chakanga chotungamirwa nemudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, Amai Grace Mugabe.

Chikwata ichi chairwira masimba nechikwata cheLacoste chinonzi chaitungamirwa nemutumgamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, panguva iyo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Amai Mahoka vanonyanya kuzivikanwa nekutuka kwavakaita VaMnangagwa pamusangano weZanu PF muHarare vachivati vakapusa sedhadha.

Amai Mahoka vakazodzingwa mubato reZanu PF apo hurumende yaVaMugabe yakapidigurwa nemauto nechisimba muna 2017.

Hurongwa hwekuradzikwa kwavo hausati hwaziviswa asi vari kuchemerwa papurazi ravo kuHurungwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG