Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu18 Kukadzi, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zimbabwe Electoral Commission inoti zvinoitwa nemamwe mapato nemamwe masangano anoshanda akazvimirira zvekutaura manyepo kuti ZEC inobira sarudzo ndizvo zviri kukonzera kuti vanhu vakawanda vanofanira kuvhota vasanyoresa kuvhota uye kuti vasavhote musarudzo dzinoitwa munyika.

Nekuda kwemakakatanwa anenge ari kuratiza kuti haasi kuzopera nekukasika ari k=muboka redzidzo pakati pehurumende nevarairidzi, vamwe vabereki vapererwa vave kuendesa vana vavo kuzvikoro zviri munyika dzakapoteredza vachitsvaga dzidzo yakagadzikana.

Bato reZanu PF rinoparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro mudunhu reBulawayo pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa muna Kurume gore rino.

Varimi vakawanda mudunhu reMashonaland West vochemachema nekudyirwa zvirimwa zvavo nemakonye emhando ye army worm.

Vateverei venhabvu vove nemachikichori mukupera kwesvondo apo zvikwata zvakawanda zviri kudzoka munhandare munyika yose.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi tiri kuenderera mberi tichitarisa zviri kuitwa nevezvematongerwo enyika vari kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dzichaitwa muna Kurume gore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175 ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG