Accessibility links

Breaking News

Kanzura weBato raVaMwonzora Ofenda Mushure Mekukundwa Sarudzo dzaMeya neNhengo yeCCC


MDC-T Inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe Inoti Yakatora Muzinda weMorgan Richard Tsvangirai House Murunyararo

Mutevedzeri wameya weguta reMutare kanzura Farai Bhiza nhasi vafenda mushure mekuruza sarudzo yameya weguta iri iyo yahwinwa nakanzura Simon Chabuka. Kanzura Bhiza vebato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, vakundwa nemavhoti matanhatu kune avo mashanu navaChabuka vebato reCitizens Coalition for Change inotungamirirrwa naVaNelson Chamisa

Mufaro uyu wekukunda kwaVaChabuka unotevera sarudzo dzaitwa nhasi pamuzinda wekanzuru dzekutsiva vaimbove meya weguta iri kanzura Blessing Tandi avo vakadzingwa basa svondo rapera nebato reMDC T inotungamirirwa naVaMwonzora.

VaBhiza vachitaura neStudio 7 mushure mechiitiko chekufenda kwavo nhasi vanoti vanofara nemafambiro aita sarudzo asi vanoti vangonzwa dzungu pataurwa zvabuda musarudzo.

Kupera kwavo simba uye kunzwa dzungu kwapa kuti vanamukoti vanoshandira pamuzinda wekanzuru vavabatsire kumuka zvakare apowo motokari inotakura varwere yange yavamirira panze. VaBhiza vaudza Studio kuti, “Election yaitwa uye councillor Chabuka vapinda ndovahwina saka ndovaveMayor, hakuzi kuti ndafenda kungoti ka-disturbance kangoitikawo but hakuzi kufenda as such but kadzungu kangoitika kangondibatawo, but hakusi kufenda.”

VaBhiza, vanova kanzura weWard 11, vazoita zvakanaka mushure mekanguvana izvo zvapa kuti musangano wange uchiitwa uyu umbomiswe kwekanguvana.

Meya mutsva VaChabuka vaudza Studio 7 kuti vanofara nekusarudzwa kwavaitwa zvakare vanotarisira kuti vachashanda zvakanaka nevamwe vakuru vemukanzuru pamwechete nemakanzura ose asara ari gumi neumwechete mukufambisa mabasa anodiwa muguta reMutare. VaChabuka igweta mukudzidza uye vanomirira Ward 12 muguta reMutare.

Mumwe wemutevedzeri wemutungamiri webato reCitizens Coalition for Change rinova bato range rakamirirwa navaChabuka, Amai Lynette Karenyi Kore, avo vange varipo pachiitiko chanhasi, vanoti vazere nemufaro sezvo kukunda kwaVaChabuka kuchipa chiedza chekuri kuenda bato iri iro rakatarisana nema-by elections musi wa26 Kurume.

Asi mutauriri weMDC-T yaVaMwonzora, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti makanzura avo akasununguka kusarudza wavanoona akakodzera kuzadzikisa zvinodiwa nevagari kwete ivo sebato.

Pari zvino muguta reMutare mune makanzura masere akadzingwa izvo zvichapa kuti kuitwe dzimwe sarudzo dzekudzosa vamwe kuti vashande vakakwana vari gumi nevapfumbamwe.

Mune imwewo nyaya, vatendi vechechi yeJohanne Marange inotungamirirwa naVaNoah Taguta vanonzi vatandanisa mapurisa kubva panzvimbo yavanonamatira kwaMafararikwa, Marange, ayo ange achida kufukunura marangwanda aAnna Machaya uyo akashaya gore rapera. Machaya akashaya mushure mekusununguka mwanakomana wake zvichitevera kuroodzwa kwaanonzi akange aitwa asati abva zera kuna VaHatirarami Momberume.

Ake kave kechipiri mapurisa achitandaniswa pamuzinda uyu apo vari kuda kuferefeta firo uye makore emusikana uyu.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, pamusoro pechiitiko ichi sezvo nharembozha yavo yange isiri kupinda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG