Accessibility links

Breaking News

Bato reCitizens Coalition Ronyunyuta neKusamira Zvakanaka kweGwaro reVavhoti


Citizens Coalition For Change2
Citizens Coalition For Change2

Bato reCitizens Coalition for Change rinoti riri kunyunyuta zvikuru negwaro risina kumira zvakanaka. Sangano iri rinoti izvi zvakabuda muongororo rarakaita.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, vanoona nezvesarudzo muCitizens Coalition for Change, VaIan Makone, vati ongororo yavo yegwaro revavhoti rakashandiswa muna 2018 neripo pari zvino inoratidza kuti kune vanhu vari kunzi vakachinja kwekuvhotera vakawandisa asi vasina kuchinja kwavanogara.

VaMakone vatiwo kune nzvimbo dzakakushandurwa nzvimbo dzekuvhotera, izvo zvisina kuziviswa veruzhinji sezvinodiwa nemutemo

VaMakone vatiwo bato ravo rinoda kuti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, igadzirise gwaro revavhoti zvinogutsa mapato ese ezvematongerwo enyika sarudzo dza2023 dzisati dzasvika sezvinodiwa nemitemo yenyika.

VaMakone vatiwo vari kushamiswa nedanho rakatorwa neZec rekufamba ichinyoresa veruzhinji mugwaro revavhoti isina kubatana nehofisi yamabharani makuru wenyika kuitira kuti vasina zvitupa vawaniswe.

Bato iri rati iyi inzira iri kushandiswa nebato reZanu PF mukubira sarudzo sezvo vamwe vanofanirwa kuvhota vasina zvitupa izvo zviri kunetsa kuwana munyika.

Asi mutauriri weZec, Amai Leticia Kazembe, vati havana chikonzero chekubidirira sezvo Zec riri sangano rakasununguka risina bato rezvematongerwo enyika rainotsigira.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri weCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vatiwo vari kuzoshandisa sarudzo dzemaby-elections senzira yekuona kuti Zec inogona kuita sarudzo dzakachena here kana kuti kwete.

Mugwaro rayo kune veruzhinji, Zec inoti inobvumidzwa nemitemo kuchinja nzvimbo dzekuvhotera.

Zec inotiwo harisi basa rayo rekuona kuti munhu anogara panzvimbo yaanyoresa here kana kuti kwete sezvo ichitarisa zvinenge zviri pamagwaro anenge auya nemunhu kuzonyoresa kuzvota.

ZEC inotiwo kana gwaro revavhoti richakavhurwa kudai, zvakawanda zvinogonawo kuchinjwa, asi inoti hachisi chokwadi kuti iri kuchinja miganhu yematunhu.

Hurongwa hwekunyoresa kuvhota hunotarisirwa kuenderera mberi munzvimbo dzose munyika, uye Zec ichashandisa zviri mugwaro rayo muna Nyamavhuvhu mukuona kuti matunhu achange akamira seyi musarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG