Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika paMusangano weVakaremara Kana Kuti Global Disability Summit


Vakaremara vachiratidzira
Vakaremara vachiratidzira

Musangano wevakaremara weGlobal Disability Summit uri kukokerwa neUnited Nations wakatanga nemusi weChina uye uri kutarisirwa kupetwa nemusi weChishanu.

Musangano wekutanga hwemhando iyi wakaitwa muna 2018 uchi kokerwa neUNited Kindgdom Department for International Development nehurumende yeKenya nesangano reDisability Alliance.

Misangano iyi yakanangana nekuzadzikisa zviga zveUnited Nations kana kuti Agenda 2030 chakanangana nekuti pasave neanosarira munyaya dzebudirro kana kuti ‘Leave No One Behind’ (LNOB) pasi pechisungo cheUnited Nations Convention of Rights of Persons with Disabilities.

Pakatoumbwa komiti yekuongorora kuona kuti zvisungo zvekusimudzira kodzoro dzevakaremara dzaremekedzwa. Zimbabwe yange ichimirirwa mumusangano weChina nemunyori mukuru mubazi rezvedzidzo VaSimon Masanga.

Asi vanhu vakawanda vakaremara munyika vari kuchema chema kuti havasi kuona kodzero dzavo dzichiremekedzwa uye vari kusarurwa mumabasa.

Mumwe akaremara anogara mumusha weRimuka kuKadoma VaTavengwa Kamuchokoto vanoti hurumende inofanirwa kutora danho rekupa chikamu chemabasa vakaremara mumapazi ehurumende.

VaKamuchokoto vanoti vakaremara vanehunyanzvi vanofanirwa kutanga kutorwa pamabasa aya.

Vanotiwo vakasaririrawo munyaya dzezvehutano vakapa muenzaniso wekuti zviziviso zvechirwere cheCovid-19 hazvina kunyorwa nezvavanonzwisisa kana kuti Brail.

Amai Edith Mandishona avo vasingaone vanoti kurarama kwevakaremara kunorwadza sezvo vakawanda vavo vasina pekugara pakanaka.

Vanoti dzimba dzavanogara dzine zvimbuzi zvinoshandiswa nevanhu vakawanda zvinoita kuti vagare vachitsika tsvina muzvimbudzi izvi pose pavanoenda kunozvibatsira.

Amai Muchaneta Ngwerume vanoti munyaya dzekurarama vakasaririra zvikuru sezvo vasingapihwe mikana yemabasa. Amai Ngwerume vanoti panyaya yekupihwa rubatsiro rwakaita serwe zvekudya vanonyenyeredzwa uye vanoti kushaiswa mikana uku kunopa kuti vazhinji vararame nekupemha.

Mukuru wesangano revanhu vasingagone kutaura kana kunzwa reZimbabwe Deaf Trust, Amai Babra Nyangairi vakurudzirwa hurumende kuti iiendese vanokwanisa kududzira mutauro wemaoko kunzvimbo dzakaita sezvipatara, makiriniki, kumapurisa nedzimwe.

Gurukota rezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende iri kuyedza nepainogona kubatsira vakaremara.

VaMavima vanoti vanhu vanosvika miriyoni imwechete nemazana mana ezviuru vanofungidzirwa kuti vanorarama nehurema munyika.

Sedanho rekukurudzira kunzwikwa kwezvichemo zvevakaremara munyika, mutungamiri wenyika anosungirwa nemutemo kudoma nhengo inovamiririra muparamende.

Musangano weGlobal Disability Summit uyo uri kuitwa padandemutande reZOOM, uri kuunza pamwe chete hurumende, vemasangano anoshanda akazvimirira, nevamwe vane chekuita nevanhu vanorarama nehurema kuti vave nechekuita munyaya dzebudiriro uye kuti kodzero dzavo dziremekedzwe pasi pechibvumirano che United Nations.

Sangano re World Health Organisation inoti vanhu bhiriyoni rimwechete kana kuti zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana vanorarama nehurema pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG