Accessibility links

Breaking News

Vamwe veChidiki Vononga Svosve neMuromo Nekushaya Mabasa


Gurukota rezvemitambo nevadiki Muzvare Kirsty Coventry
Gurukota rezvemitambo nevadiki Muzvare Kirsty Coventry

Vamwe vechidiki vanoti kusagadzikana kwehupfumi munyika kwave kupa kuti vanonge svosve nemuromo sezvo mabasa ezvavakadzidzira asiri kuwanikwa uyewo vasina mari dzekutanga mabhizimusi.

Mumwe wevechidiki ave nemakore maviri apedza zvidzidzo zvake zveComputer Science Muzvare Simbiso Mautsa vanoti vave kutorarama nekutenga nekutengesa. Muzvare Mautsa vanoti izvi handizvo zviri pamoyo wavo.

VaPrince Mutebuka vakapedza zvidzidzo zekuongorora zvicherwa kana kuti geology muna2017 vatiwo pane vavakadzidza navo gumi nevasere, vashanu chete ndivo vakawana mabasa.

Vati kubvira zvavapedza zvidzidzo zvavo havasati vambo bayirwawo chitupa chebasa uyewo vati kuti vatange mugodhi wavo zvinoda mari iyo yavasina.

Mutauriri wevechidiki muCitizens Coalition for Change VaStephen Chuma vaudza Studio 7 kuti sevechidiki vanoshushikana zvikuru nenyaya yekushaya mabasa . Vapomera bato reZanu PF mhosva yekuondonga hupfumi hwenyika.

Asi vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru wevechidiki mubato reZANU PF VaTendai Chirau vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuumba mabasa vakapa muenzaniso wekuti pakugadzirwa kwemigwagwa v vanhu vari kuwana mabasa.

VaChirau vatiwo vechidiki vasina mari vane mikana yekunotsvaka mari kumabhanga ari kushanda nehurumende kusimudzira vechidiki.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vatiwo zvakakosha kuti hupfumi huvandudzwe munyika kuti vechidiki vawane chouviri.

VaKuchera vakurudzirawo kuti vechidiki vabatanewo pamwe nekudzidziswa zvemabhisimusi.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kudivi rehurumende sezvo mutevedzeri wegurukota revechidiki nezvemitambo, Muzvare Yeukai Simbanegavi vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG