Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vemuHarare Voti Pfungwa Dzavo Hadzina Kuiswa muBhajeti Rakaziviswa neMuvhuro


Kanzuru yeguta reHarare yakazivisa nezvebhajeti rine madhora emunyika anosvika $41.8 billion yegore rino ra 2022.
Kanzuru yeguta reHarare yakazivisa nezvebhajeti rine madhora emunyika anosvika $41.8 billion yegore rino ra 2022.

Nyaya yemabhajeti, angave emakanzuru kana ehurumende, yagara iri nyaya inonetsa kugutsa munhu wese. Izvi ndizvo zviri kuonekwawo mubhajeti rekanzuru yeguta reHarare rakaziviswa nezuro, iro vamwe vagari pamwe nedzimwe nyanzvi vari kupa maonero akasiyanasiyana.

Vaimbove meya veguta reHarare, VaBenard Manyenyeni, vanoti bhajeti rose kuti ritambirike uye kuti rinzi rakanaka hunge rakapinzawo pfungwa dzevagari munguva yekuuchikwa kwaro.

VaManyenyeni vanoti vanofadzwa nekuti bhajeti iri rakakoshesa nyaya dzekuwanisa vagary mvura yakachena pamwe nekufambiswa kwesvina, vachitiwo guta vagari varo nekudaro vagari vanofanirwa kunge vachitsigira bhajeti iri kuburikidza nekubhadhara mitero yavo, ukuwo kanzuru ichisungirwa kufshandisa mari dzevagari nemazvo.

Asi mukuru werimwe sangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba vanoti vagari vakawanda havasi kutambira bhajeti iri vachiti pfungwa dzavo hadzina kupinzwa mariri.

VaShumba vanoti mitero iri kunzi vagari vabhadhare yakanyanya kukwirisa kwazvo zvekuti vashoma vanoigona kuibhadhara.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanovewo mugari wemuHarare, vanotiwo bhajeti iri rinoratidzika sekunge rakakura zvakanyanya sezvo riri mumadhora emunyika, asi pachokwadi asi riine mari shoma pane zvinodiwa muguta.

Kanzuru yeHarare yagara ichichemawo nerekuti iri kutadziswa kuita mabasa ainotarisirwa kunge ichiita nekuda kwekuti vamwe vagari havasi kubhadhara mitero yavo nenguva, asi VaKuchera vanoti kuti vagari vabhadhare zvikwereti zvavo, iyo kanzuru inofanirwawo kunge ichivapa zvavanenge vabhadharira.

Pataenda pamhepo mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme vanga vasati vapindura mibvunzo yedu. Asi VaChideme vakamboudza Studio 7 svondo yapera kuti vagari vane chikwereti chekanzuru chinosvika ZWL$17 billion, uye vanotarisira kuti vachabhadhara mari idzi kuitirawo kuti kanzuru ikwanise kufambisa mabasa ayo.

Pakapasiswa bhajeti iri nehurumende, vagari vakawanda vakachemachemawo kuti miripo yegore rino yakakwira zvakanyanya, vachiisa kuzvikamu mazana mana kubva muzana.

Kanzuru yeHarare yakaparura bhajeti remari inosvika mabhiriyoni makumi mana nerimwe nemamiriyoni masere emadhora emunyika, kana kuti ZWL$41.8 billion, mabhiriyoni gumi nemasere emadhora kana kuti $18,2 billion ichienda mukuwanisa vagari mvura.

Imwe $6,4 billion yaiswa mukufambiswa kwemabasa, $8,8 billion ichienda kunyaya dzedzidzo hutano nezvimwe kuchitiwo $4,2 billion ichenda kunogadzirisa migwagwa.

Mari inoita $3,8 billion ichaenda kuzvirongwa avakanangana nekuchengetedzwa kwevagari, kuchitiwo $144 million ichienda mukuchengetedzwa kwezviwanikwa nezvakatikomberedza.

Kunze kwekunge paita muonera pamwe chuma chemuzukuru pakati pekanzuru nevagari panyaya dzekuunganidzwa nekushandiswa kwemari, shuviro yekuti guta reHarare ridzokere pamakare aro ekuve guta rechiedza chezuva, kana kuti Sunshine City icharamba iri chiroto.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG