Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri Kukadzi, 15, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiriri webato idzva, reCitizens Coalition for Change (CCC) VaNelson Chamisa, vakamisa basa nhengo dzeStanding Committee dzavakabva nadzo kuMDC Alliance vachiti dzinofanira kutsvaga rutsigiro kune veruzhinji kuti dzidzoke zvekare muzvigaro zvehutungamiriri. Izvi zvatsinhirwa nevamwe vakuru vakuru vaive nhengo dzekomiti iyi.

Vechidiki vanoti kusagadzikana kwehupfumi munyika kwave kupa kuti vanonge svosve nemuromo sezvo mabasa ezvavakadzidzira asiri kuwanikwa uyewo vasina mari dzekutanga mabhizimusi avo.

Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 rinova zuva rechitattu izvi zvichiitika.

Botswana yaita nyika yekutanga kuchamhembe kweAfrica kutendera vanhu vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kaviri kupinda munyika iyi vasina tsamba yekuti vakavhenekwa hutachiona uhu zvakare kana kuti PCR Test.

Vagari pamwe nenyanzvi mune zvehupfumi vopa pfungwa dzakasiyanasiyana pamusoro pebhajeti rekanzuru yeguta reHarare remari inosvika mabhiriyoni makumi mana nerimwe nemamiriyoni masere emari yemunyika, kana kuti ZWL$41.8 billion, rakaziviswa nezuro.

Muchirongwa cheThe Connection chatinotaura nevechidiki, nhasi tiri kutarisa nyaya yekukosha kweRadio muhupenhyu hwevanhu tichangobva mukupemberera zuva reWorld Radio day nemusi weSvondo. Tichataurawo nevechidiki vari kukwikwidza musarudzo dzemaby-elections ari kuitwa musi wa 26 Kurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG