Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopinda Muzuva Retatu Pasina Afa neCovid-19 Asi Vakawanda Vachibatwa neChirwere Ichi


Zimbabwe nezuro yakapinda muzuva reChitatu pasina munhu afa nechirwere cheCovid-19 zvichireva kuti vanhu vafa vachingori zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi manomwe nevana kana kuti 5, 374.

Asi huwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere ichi hwakati wedzerei zvakanyanya sezvo vanhu mazana maviri nemakumi maviri nevaviri 222 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru mazana maviri nemakumi matatu nechimwe zvine mazana matanhatu nevatatu kana kuti 231 603.

Vanhu vanodarika mazana maviri vakapedzisirwa kubatwa nechirwere ichi musi wa 31 Ndira.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi manomwe zvine mazana mana nemakumi masere nevatatu kana kuti 4 270, 483.

abayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamqe nemapfumbamwe zvine mazana matanhatu nemakumi maviri nevasere kana kuti 3 299 628. Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi mashanu nezvitanhatu zvine mazana mana nemakumi mashanu nevasere kana kuti 56 458.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG