Accessibility links

Breaking News

Makore Mana Vafa, VaTsvangirai Vorangarirwa seGamba Mukurwira Hutongo Hwejekerere


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Vanhu vakawanda munyika vari kurangarira rufu rwegamba munyaya dzekurwira hutongo hwejekerere uye vakambove mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai avo vakashaya musi wa14 Kukadzi 2018 nechirwere chegomarara.

VaTsvangirai vaive mutungamiri wekutanga webato reMDC vachitevedzerwa naVaGibson Sibanda.

Vaviri ava vainge vashandawo vose musangano guru revashandi VaTsvangirai vari munyori mukuru, VaSibanda vari mutungamiri.

Morgan Tsvangirai
Morgan Tsvangirai

VaTsvangirai ndivo vaive sachigaro wesangano reNational Constitutional Assembly rakakwanisa kukunda hurumende musarudzo dzereferendum yekuti bumbiro remutemo rotambirwa here kana kuti kwete muna 2000.

Sevamwe vatungamiri vaipikisa hurumende vakaita samushakabvu Joshua Nkomo veZapu, VaTsvangirai vakapomerwawo mhosva yekuti vaida kupidigura hurumende muna 2003 asi vakachenurwa nemutongi wedare repamusoro VaPaddington Garwe.

Muna 2007 VaTsvangirai vakarohwa zvakaipisisa mushure mekunge vanopikisa nevemasangano akazvimirira oga varonga kuratidzira kuHighfield, muHarare.

Muna 2008, VaTsvangirai vakakunda VaMugabe musarudzo asi havana kusvika mavhoti anodiwa zvakapa kuti panzi paitwe sarudzo dzechipiri. Izvi zvakazopa kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa VaTsvangirai vari mutungamiri wehurumende.

VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai
VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai

Asi VaTsvangirai havana kuzopinda musarudzo idzi vachiti mauto nevasori vainge vapindira vachiponda vatsigiri vavo. Zvinofungidzirwa kuti vatsigiri veMDC vanodarika mazana maviri vakapondwa mukutsvaga rutsigiro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vati dai VaTsvangirai vasina kumira mira semusambagwena nyika ingadai yakaguma yave nehutongo hwebato rimwe chete kana kuti one party state sezvo vachiti ndzvo zvaitidwa naVaMugabe nebato ravo reZanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG