Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Vanorarama neChirwere chePfari


X-ray inoratidza kurapwa kwepfari.
X-ray inoratidza kurapwa kwepfari.

Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rechirwere chepfari vanorarama nechirwere ichi munyika vanoti vanosangana nematambudziko akasiyana siyana kusanganisira kudhuura kwemishonga pamwe nekusarurwa.

Muzvare Charity Mugawa vane makore makumi maviri nemaviri ekuberekwa vanoti vakabatwa chirwere chepfari vaine makore gumi nemanomwe uye vanotiwo vanhu vazhinji havanzwisise nezvechirwere ichi.

Muzvare Mugawa vatiwo mishonga yepfari idambudziko guru munyika sezvo ichinetsa kuwana uye kudhura zvakanyanya.

Izvi zvatsinhirwa naVaTaurai Kadzviti vanoshanda nesangano reEpilepsy Support Foundation Zimbabwe variwo mutungamiriri we Epilepsy Alliance Africa vachiraramawo nechirwere ichi. VaKadzviri vatiwo vazhinji vari kupedzisira vasingachanwi mushonga nenyaya yekudhura nekusawanikwa kwayo.

VaKadzviti vatiwo kunyangwe hazvo muZimbabwe muchinzi pavanhu zvikamu zviviri kubva muzana vane chirwere chepfari vanoti vanofunga kuti huwandu hunodarika apa sezvo dzimwe mhando dzepfari dzisingaonekwi nemaziso.

VaKadzviti vatiwo kurudziro yavo kuhurumende ndeyekuti mishonga yepfari igadzirwewo munyika.

Nyanzvi munezvezvirwere zvepfungwa Dr Anesu Chinoperekwei vatsigirawo kuti mishonga idambudziko munyika zzvikuru kumaruwa.

Dr Chinoperekwei vatiwo vanhu vanepfari vanosarurwawo nekusabatwa zvakanaka munharauda zhinji. Vatiwo chirwere ichi chinoitawo kuti vanhu vasakwanise kuita mamwe mabasa akadai sekutyaira kana kushandisa michina yakasiyana-siyana.

Dr Chinoperekwei vakurudzirawo veruzhinji kuti vatsvake kubatsirwa kuzvipatara vachiti munhu akanwa mishonga anorarama hupenyu hwakanaka. Vatiwo munyika munodawo kuitwa dzidziso nezvechirwere ichi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano nezvechirwere chepfari ichi sezvo vanoona nezvezvirwere zvisingatapuriranwi mubazi rezvehutano Dr Justice Mudavanhu vakati titaure naDr Patience Mavunganidze mukuru anoona nezvezvirwere zvepfungwa.

Dr Mavunganidze vati vaida kutanga vapiwa mvumo yekutaura nesu uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti munyika dzichiri kubudirira zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvevanhu zvine chirwere chepfari hazvisi kuwana mishonga.

Sangano iri rinotiwo muAfrica vanhu vanosvika mamiriyoni gumi vane chirwere ichi uyewo vanosarurwa nekuti vamwe vanofunga kuti chirwere ichi chinotapuriranwa.

Zuva rechirwere chepfari iri rinocherechedzwa Muvhuro wepiri mumwedzi waKukadzi gore negore.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG