Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro Kukadzi, 14, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo kuzvikoro sezvo vamwe varairidzi vasiri kuenda kumabasa zvopa kuti vamwe vana vadzoserwe kumba.

Bato reZanu-PF rochema chema kuti vatsigiri vavo varwiswa nevemapato anopikisa kuBulawayo.

Zimbabwe yorangarira makore mana gamnba munyaya dzekurwira hutongi hwejekerere vaMorgan Tsvangirai vashaya musi wa 14 Kurume 2018.

Vanorarama nechirwere chepfari munyika vochema chema nekushaya mishonga.

Kunyangwe zvinhu zvakaoma, vakawanda munyika voratidza havo vadiwa vavo rudo pazuva rino reValentine’s Day.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yekutsvaga rutsigiro musarudzo uye hurongwa hwekunyoresa vavhoti.

Mutungamiri weZIFA akamiswa basa neSports and Recreation Commission VaFelton Kamambo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG