Accessibility links

Breaking News

Nyika Yopinda Muzuva Repiri Pasina Afa neCovid-19


Mumwe murume achibayiwa nhomba yeCovid-19 kuWilkins Hospital mu Harare,REUTERS/Philimon Bulawayo/File Photo

Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 rinova zura rechipiri izvi zvichiitika. Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vachiri zviuru zvishanu nemazana matatu ane makumi manomwe nevana kana kuti 5, 374.

Vanhu makumi masere nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira muuna 2020 vave zviuru mazana maviri nemakumi matatu nechimwe zvine mazana matatu nemakumi masere nemumwe kana kuti 231 381.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana matatu zvine gumi nezvitatu nemazana manomwe nemakumi masere nevatatu kana kuti 4 313 783.

Vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi mana nemana ane mazana manomwe nemakumi mashanu nemashanu kana kuti 3 344 755.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi masere nezvitatu nemazana maviri nemakumi manomwe nevana kana kuti 83 274.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG