Accessibility links

Breaking News

Musangano weNJNC Wakaitwa neChishanu Wakatadza Kubuda neChisungo paVarairidzi Vakambomiswa Mabasa


Varairidzi vachiratidzira. Bazi redzidzo yepasi rakambomisa basa varairidzi vari kuramwa mabasa kwemwedzi mitatu.
Varairidzi vachiratidzira. Bazi redzidzo yepasi rakambomisa basa varairidzi vari kuramwa mabasa kwemwedzi mitatu.

Vamiriri vevashandi vehurumende pamwe nevamiriri vehurumende vakasangana neChishanu muHarare kuti vazeye nhau dzemihoro yevashandi pasi pegungano reNational Joint Negotiating Council, asi zvinonzi havana kukwanisa kuzonyorerana pasi chibvumirano chezvakasungwa mumusangano uyu.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi vehurumende munhaurirano dzeNJNC, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga, vanoti musangano uyu wakajekesa zvakawanda zvinosanganisira nyaya yekuti madhora zana remadhora ekuAmerica ichapiwa vashandi haisi kuzobva pamari yavo yemihoro yemari yemunyika, iyo ichawedzerwawo nezvikamu makumi maviri kubva muzana.

VaDzatunga vanoti vamiriri vevashandi vakaramba kusaina chibvumirano chezvakasungwa mumusangano uyu vachida kuti hurumende itange yaturunura mashoko ayo ekuti yakanga yadzinga varairidzi vasiri kuenda kumabasa, izvo zvinonzi vamiriri vevashandi vakati vaingoda kuti zvive zvepamuromo chete pasina kunyorerana pasi.

Izvi zvinonzi zvakazoita kuti mapoka maviri aya aite aziva kwake aziva kwake.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG