Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC-T, VaMwonzora, Vanoti Bato Ravo Richakunda muSarudzo dzeBy-Elections


Mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora

Mutungamiriri webato rinopikisa,reMDC Alliance, VaDouglas Mwonzora nhasi vaparura hurongwa kwekutsvaga rutsigiro hwebato ravo muHighfields muHarare vachiti vanotarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo dzemaby-election.

Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavaita ku nhandare yeZororo mumusha weHighfields, VaMwonzora vati vafara nehuwandu hwevanhu vapinda mumusangano wavo wanhasi.

Vati nhengo dzebato ravo dzichapinda musarudzo dzeparamende nemakanzuru dzichakunda uye vafara kuti vanhu vapinda mumusangano wavo wekutsvaga rutsigiro nhasi vasina kumanikidzwa.

Vati kana MDC Alliance ikakunda ichagadzirisa hupenyu kwevana veZimbabwe munyaya dzese.

Mumwe mutsigiri webato reMDC Alliance, Kiki Ncube audza Studio 7 kuti anotarisira kuti mubato rake richakunda musarudzo, zvikuru sei muHighfileds West maanogara.

Mapato matatu makuru munyika anoti Zanu PF, Citizens Coalition for Change ne MDC Alliance anga achitarisirwa ose kuparura hurongwa hwawo hwekutsvaga rutsigiro pasarudzo dzichaitwa mwedzi unouuya, asi Studio 7 yanzwa kuti bato reCitizens Coalition for Change harina kuzokwanisa kuparura hurongwa hwaro kuBulawayo nezvikonzero zvisati zvaziviswa.

Mutewedzeri wemutungamiri webato iri VaWelshman Ncube ndivo vanonzi vanga vachifanirwa kunge vari kutungamira hurongwa uhwu.

Taedza kubata murongi wemisangano muCCC, VaAmos Chibaya kuti tinzwe zvizhinji asi vati tature nasachgaro webato iri mudunhu reBulawayo vavati vanonzi VaSithole, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

NYAYA INA GODWIN MANGUDYA
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG