Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZanu PF VaMnangagwa Vanoti Vanopikisa Havafi Vakatonga muNyika


Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa

Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti mapato anopikisa haasi kuzofa akatonga munyika vachiti hurumende yeZanu PF iri kuita zvinhu zvakawanda kusimudzira hupfumi hwenyika pamwe neraramo yeveruzhinji.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pakuparura kwavaita hurongwa hwekutsvaga rutsigiro hwebato ravo reZanu PF pamberi pesarudzo dzema by-elections dzakatarisirwa kuitwa mwedzi unouya.

Vachitaura muEpworth nhasi pamberi pezviuru nezviuru zvevatsigiri vebato ravo pavaparura hurongwa uhwu nhasi, VaMnangagwa vati bato ravo reZanu PF pamwe nehurumende yavo vari kushanda zvakasimba kusimudzira hupenyu hwevanhu munyika yose kubudikidza nekusimbaradza nyaya yekurima, kuvakwa kwemafekitori mumatunhu nezvimwe zvakadaro.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo iri kushandawo zvakasimba kuti vanhu vegere munzvimbo dzisina mapepa edzimba dzavagere vawaniswe mapepa anoratidza kuti ndivo varidzi vedzimba idzi kana kuti ma Title Deeds.

Vati vagari vemuEpworth nedzimwe nzvimbo dzisina mapepa dzakaita seCaledonia vachapihwa mapepa aya munguva pfupi iri kutevera.

Mashoko aVaMnangagwa aya atambirwa nemufaro nevamwe vatsigiri vavo vanga vari pamusangano uyu vakaita saVaJacob Ndawana.

Zvichakadai, VaMnangagwa vatendawo kuti mune kusawirirana mubato ravo zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo dzekutsvaga vachamirira bato ravo musarudzo dzema by-elections pamwe nesarudzo dzemumapurovhinzi ebato ravo dzakaitwa nguva pfupi yadarika.

VaMnangagwa vakaurudzira vose vakakundwa musarudzo idzi kuti vashande pamwechete nevakahwinha, vachiti chikuru ndechekuti musangano wavo ukunde musarudzo.

Vatiwo mapato anopikisa haafe akatonga munyika vachiti veruzhinji vanoziva bato ravo sebato riri kushandira kuzadzikisa zvido zvavo.

Asi mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vati simba rekutungamira rinobva kuvanhu kwete mumuromo memunhu.

Vachitaura pamusangano weZanu PF uyu, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vakurudzira vemapato ezvematongerwo kusanganisira bato ravo kuti atsvage rutsigiro murunyararo vachiti zvetsvimbo mugotsi ave matakadyakare.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kuzivisa vatsigiri vavo kuti ivo nemutungamiri weMozambique, VaPhillipe Nyusi, vakabvumirana pamusangano wavakaita nezuro kuMozambique kwakare kuti vavake fekitori yesimbi kuManhizi pamwe neimwe ichange ichiita zve gas kuBuzi kuMozambique zvichabatsira nyika mbiri idzi mukuwana simbi pamwe ne gas uye kusimudzira hupfumi hwenyika mbiri idzi.

Sarudzo dzema by-elections dzakatarisirwa kuitwa musi waKurume 26 munzvimbo makumi maviri nesere dzeparamende uye mumawadhi zana nemakumi manomwe nerimwe chete dzekanzuru.

Kuitwa kwesarudzo idzi kunotevera kudzingwa kwakaitwa vanhu vakawanda muparamende nemumakanzuru neMDC-T yaVaDouglas Mwonzora pamwe nekufa kwakaita vamwe vanga vaine zvigaro izvi.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG