Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yeMitemo Muzvinafundo Madhuku Vanoti Bazi reDzidzo yePasi Harina Masimba eKudzinga Basa Varairidzi


Muzvinafundo Lovemore Madhuku
Muzvinafundo Lovemore Madhuku

Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, ratuma magweta aro ari pasi peZimbabwe Human Rights NGO Forum kuti akwire kudare reHigh Court achipikisa danho rakatorwa negurukota rezvedzidzo yepasi rekumbomisa basa varairidzi vanonzi vari kuramwa mabasa.

Sangano iri rinoti riri kukurudzirawo varairidzi kuti varambe vakashinga, richiti kudzoserwa kwemihoro wemadhora mazana mashanu nemakumi mana emari yekuAmerica kana kuti US$540.00 ndiko chete kuchaita kuti varairidzi vadzokere kumabasa.

Bazi redzidzo yepasi rakazivisa nezuro kuti varairidzi vose vasati vadzokera kumabasa kubva pakavhurwa zvikoro neMuvhuro svondo rino vachambomiswa Mabasa kwemwedzi mitatu vasingapiwe mihoro yavo.

Asi gweta rine mukurumbira vari mudzidzisi wezvemitemo paUniversity of Zimbabwe uye vachitungamira bato reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti bazi redzidzo yepasi harina masimba ekumbomisa varairidzi mabasa sezvo vasina kupinzwa mabasa nebazi iri asi kuti vari pasi pePublic Service Commission.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG