Accessibility links

Breaking News

National Blood Services Zimbabwe Yokukurudzira Veruzhinji Kupa Ropa reMhando yeGroup O


Veruzhinji vari kukurudzirwa kupa ropa sezvo NBSZ iri kuti haina ropa remhando yeGroup O mumatura ayo.

VeNational Blood Services Zimbabwe vari kukurudzira veruzhinji kuti vape ropa remhando yeGroup O iro, vanoti rave shoma mudura reropa.

Vachitaura neStudio 7 nhasi, vanoona nezvekuunganidzwa kweropa kuNational Blood Services Zimbabwe, VaTichaona Saira vati munyika vanhu zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana vane ropa remhando yeGroup O, zvichireva kuti ndiro ropa rinodiwa zvakanyanya kuzvipatara.

Vati kuti vanzi vane ropa rakakwana vanenge vachida ropa remazuva mashanu asi vati pari zvino ropa remhando iyi riri kushandiswa rese rinenge rawanikwa richibva rangopera pasina rinozoiswa mudura. VaSaira vakurudzirawo veruzhinji kuti vabatsirewo nemhando ye Blood Group “O” iyi sezvo ropa iri richinyanyodiwa zvakanyanya. Vatiwo kupa ropa kunochengetedza hupenyu hweavo vanenge vachida ropa iri.

Sangano reNBSZ rinowana ropa rekuisa mudura reropa kune veruzhinji vanopa pachena uye rinoita zvirongwa zvekufamba richitsvaka ropa iri kunzvimbo dzakasiyanasiyana, kunyanya kunoungana vanhu vakawanda panguva imwechete.

VaSaira vati kuvharwa kwange kwakaitwa zvikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19, kwange kuchivhiringawo zvirongwa zvavo zvekutsvaka ropa.

Mukuru weNBSZ Amai Lucy Marowa vatiwo vari mushishi rekutsvaka madhora ekuAmerica zviuru zana nemakumi masere kana kuti US$180 000 yekuti vakwanise kushandisawo magetsi ezuva pamatura avo eropa.

Sangano iri pari zvino rakawana zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica ($30 000) kubva kubhanga reFirst Capital.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro vati sehurumende vanokurudzira kushandiswa kwemagetsi ezuva vachiti izvi zvinobatsira kuchengetedza ropa nenzira dzisinganyanyodhura.

VaMangwiro vatiwo hurumende itoriwo mushishiwo yekuisa magesti ezuva aya kuzvipatara zvidiki zvehurumende.

VaMangwiro vati kushandiswa kwemagetsi ezuva kunobatsirawo mukufambiswa kweropa rakachengetedzeka kunzvimbo dziri kure.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG